Zvibatsiro Zvekudzidza
Enoki


Enoki

Muporofita akatungamira vanhu veguta reZioni. Mharidzo yake inokurukurwa muTestamente yaKare neDombo Remutengo Mukuru. Ndiye akave tateguru wechinomwe kubva kuna Adama. Aive mwana waJaredi uye baba vaMetusara (Gen. 5:18–24; Ruka 3:37).

Enoki aive munhu mukuru uye kuparidza kwake kwakanga kwakakosha kupfuura zvinoratidzwa murungano rwake muBhaibheri. Bhaibheri rinoti akatorwa (VaH. 11:5) asi haripe zvakadzama zvekuparidza kwake. Judasi 1:14 ine chitapwa chemazwi echiporofita chaakaita. Zvakazarurwa mumazuva ekupedzisira zvinotsanangura zvakati wandei nezvaEnoki, kunyanya nezvekuparidza kwake, guta rake rinonzi Zioni, zviratidzo zvake, nezviporofita zvake (D&Z 107:48–57; Mos. 6–7). Zioni yakatorwa ikaendwa nayo kudenga pamusana pekururama kweavo vaigara mairi (Mos. 7:69).