Zvibatsiro Zvekudzidza
Erisha


Erisha

MuTestamente yaKare muporofita weUmambo hweKuchamhembe hwaIsraeri uye mupi wemazano aivimbika kumadzishe akati kuti enyika iyoyo.

Erisha aive nehunhu hwakapfava uye hune rudo, asina dziye shungu dzaityisa idzo dzaizivikanwa nadzo tenzi wake, Erija. Zvishamiso zvake zvaizivikanwa (Ⅱ Madz. 2–5; 8) zvinopupura kuti chokwadi akatambira simba raErija paakatora nzvimbo yaErija semuporofita (Ⅱ Madz. 2:9–12). Semufananidzo, akarapa mvura dzechisipiti chaivava, akatsemura mvura dzeRwizi rweJordani, akawanza mafuta echirikadzi, akamutsa mukomana kubva murufu, akarapa murume mapere, akaita kuti demo resimbi riti yangarara, uye akarova vaSiria neupofu (Ⅱ Madz. 2–6). Kuparidza kwake kwakaita makumi mashanu emakore munguva dzekutonga kwaJehorami, Jehu, Jehoahazi, na Joashi.

Dhinda