Mazuva Ekupedzisira Onawo Kuuya Kwechipiri kwaJesu Kristu; Zviratidzo zveNguva Nguva yatiri kurarama iyezvino. Mazuva (kana mukuvo wenguva) chinguvana kuuya kwechipiri kwaIshe kusati kwavepo. Ndinokuudzai zvichakuwirai mumazuva ekupedzisira, Gen. 49:1. Mununuri achamira pazuva rekupedzisira pano pasi, Jobo 19:25. Mumazuva ekupedzisira, imba yaIshe ichamiswa, Isa. 2:2. Mumazuva ekupedzisira nguva dzekutambudzika dzichauya, Ⅱ Tim. 3:1–7. Vashori vemazuva ekupedzisira vacharamba Kuuya Kwechipiri, Ⅱ Pet. 3:3–7. Ndinoporofita kwamuri zviri pamusoro pemazuva ekupedzisira, 2 Ni. 26:14–30. Saizvozvo ndiko kudaidzwa kuchaitwa chechi yangu mumazuva ekupedzisira, Kana Chechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira, D&Z 115:4. Kristu achauya mumazuva ekupedzisira, Mos. 7:60.