Kumanikidza Onawo Mweya Mutsvene Kukuridzirwa nesimba kuita kana kusaita chimwe chinhu, kunyanya nesimba nekutunwa neMweya Mutsvene. Mweya uri mandiri unondimanikidza, Jobo 32:18. Rudo rwaKristu rwunotimanikidza, Ⅱ VaKori. 5:14. Ndakamanikidzwa neMweya kuti ndiuraye Rabhani, 1 Ni. 4:10. Mweya unondirambidza, Aru. 14:11. Ndinorambidzwa maererano nechibvumirano, Aru. 60:34. Amaroni achikuridzirwa neMweya Mutsvene, akaviga zvinyorwa, 4 Ni. 1:48. Icho chinobva kumusoro chakafanira kutaurwa nekumanikidzwa kweMweya, D&Z 63:64.