Zvibatsiro Zvekudzidza
Ruka


Ruka

Munyori weVhangeri raRuka nebhuku reMabasa eVaapositori muTestamente Itsva nemumwe waPauro mukushumira. Akaberekwa nevabereki vechiGiriki uye akanga ari chiremba (VaKoro. 4:14). Ruka akanga akadzidza chaizvo. Akazvitaura semufambidzani weMuapositori Pauro paakabatana naPauro paTroa (Mabasa 16:10–11). Ruka akanga aina Paurowo kuFiripo parwendo rwaPauro rwekupedzisira kuJerusarema (Mabasa 20:6), uye vari vaviri vakanga vari pamwechete kudakara kusvika kwavo muRoma. Ruka akanga aina Pauro zvakare panguva yaakaiswa mutirongo kechipiri muRoma (Ⅱ Tim. 4:11). Tsika inoti akafa achiurairwa vhangeri.

Vhangeri raRuka

Tsananguro yaRuka yaakanyora pamusoro paJesu Kristu nekushumira kwake panyama. Bhuku reMabasa eVaapositori kuenderera mberi kweVhangeri raRuka. Ruka akasiya tsananguro yakanyorwa zvakanaka yehushumiri hwaJesu, achiratidza Jesu seMuponesi wevose MaJuda nemaJentairi. Akanyora zvakawanda nezve dzidziso dzaJesu nekuita kwake. Muna Ruka ndimo matinowana chete tsananguro dzekushanya kwaGabrieri kuna Zakaria naMaria (Ruka 1); kushanya kwevafudzi kurusvava Jesu (Ruka 2:8–18); Jesu mutemberi aine makore gumi nemaviri (Ruka 2:41–52); Vane makumi manomwe vanopiwa basa vagotumwa (Ruka 10:1–24); Jesu anodikitira ropa (Ruka 22:44); hurukuro yaJesu nembavha pamuchinjikwa (Ruka 23:39–43); uye Jesu achidya hove nehuchi mushure mekumuka muvakafa kwake (Ruka 24:42–43).

Kuona tsananguro yezvitsauko, ona “Vhangeri”.