Zvibatsiro Zvekudzidza
Chibvumirano Chitsva uye Chisingaperi


Chibvumirano Chitsva uye Chisingaperi

Kuzara kwevhangeri raJesu Kristu (D&Z 66:2). Rinove idzva nguva dzose dzarinoratidzwa patsva mushure mechinguva chekumborasika kwechokwadi chevhangeri. Rinova risingaperi mupfungwa yekuti chitenderano chaMwari uyezve rinovepo mumwaka wose wevhangeri umo vanhu vanoratidza chido chekugashira. Chibvumirano chitsva uye chisingaperi chakaratidzwa zvakare kuvanhu pano pasi naJesu Kristu kuburikidza nemuporofita Joseph Smith. Chine zvisungo zvinoera zvinoshandiswa nevane mvumo yehupirisita—sekubhabhatidza neroorano yemutemberi—uyo unopa munhu ruponeso, kusafa, neupenyu hwokusingaperi. Kana vanhu vabvuma vhangeri uye vavimbisa kuchengetedza mirairo yaMwari, Mwari vanobvuma kuvapa maropafadzo echibvumirano chavo chitsva uye chisingaperi.