Zvibatsiro Zvekudzidza
Muoni


Muoni

Munhu akabvumirwa naMwari kuona nemaziso emweya zvinhu izvo Mwari zvavakaviga kunyika (Mos. 6:35–38). Ndiye mududziri nemuporofita (Mosaya 8:13–16). MuBhuku raMormoni, Amoni akadzidzisa kuti muoni chete ndiye angagone kushandisa vaturikiri vakasarudzwa, kana kuti Urimi neTamimi (Mosaya 8:13; 28:16). Muoni anoziva zvakapfuura, zviripo, nezvichauya. Chinyakare, muporofita aidaidzwa kuti muoni (Ⅰ Sam. 9:9; Ⅱ Sam. 24:11).

Joseph Smith ndiye muoni mukuru wemazuva ekupedzisira (D&Z 21:1; 135:3). Pamusoro paizvozvo, Mutungamiri hweKutanga neDare revaneGumi neVaviri vanotsigirwa semaporofita vaoni nevadudziri.