Zvibatsiro Zvekudzidza
MaJuda


MaJuda

MaJuda vanogona kuva (1) zvizukuru zvaJuda, mumwe wegumi nevaviri vanakomana vaJakobo, (2) vanhu veumambo hwechinyakare hwekumaodzanyemba hweJuda, (3) vanhu vanotedza chinamato, mararamiro, netsika dzechiJuda asi vari kana kusave maJuda pakuberekwa. Yave tsika kushandisa izwi rekuti muJuda kutaura kune zvose zvizukuru zvaJakobo, asi uku kukanganisa. Zvakafanira kungogumira kune avo veumambo hwaJuda kana, kunyanya pari nhasi, avo verudzi rwaJuda nevamwe vake.