Zvibatsiro Zvekudzidza
VaRoma Magwaro ku


VaRoma Magwaro ku

MuTestamente Itsva, tsamba yakanyorwa naPauro kuVatendi vaive muRoma. Akanga achifunga kunoshanya kuJerusarema, izvo zvaive pachokwadi kuve ngozi. Kana akapunyuka neupenyu hwake, aitarisira kuti mushure aizoshanyira Roma, Tsamba iyi yainzi kune chimwe chidimbu igadzirire Chechi yaikoko kuti igomugashira kana auya. Ingangotariswawo seine zvinyorwa zvedzimwe dzidziso dzakanga dzichiitiranwa nharo uye idzo Pauro dzaaiona zvino dzamiswa.

Chitsauko 1 chine kwaziso yaPauro kuvaRoma. Zvitsauko 2–11 zvinosanganisa zvizhinji zvakataurwa pamusoro pedzidziso yerutendo, mabasa nenyasha. Zvitsauko 12–16 zvine kudzidzisa kwekuita pamusoro perudo, basa, neutsvene.