Zvibatsiro Zvekudzidza
Judasi


Judasi

MuTestamente Itsva, mumwe wevanin’ina vaJesu angangove munyori werugwaro rwaJudasi (Mat. 13:55; Jud. 1:1).

Rugwaro rwaJudasi

Bhuku iri rine tsamba kubva kuna Judasi ichienda kune vamwe Vatendi vakanga vave kuneta murutendo. Vakanga vave kuneteswa neavo vakange vari pakati pavo vaizviti maKristu asi vachitevedza tsika dzechimato dzechihedheni uye vachizviti havasungirwe kuteerera murau wehunhu wakanaka. Judasi aida kumutsa Vatendi kuti vazive ngozi yavo yemweya nokuvakudziridza kuti vagare vakavimbika.

Zvimwe zvikamu zvinozivikanwa muna Judasi ivhesi 6, rinotaura hondo kudenga nokukandwa kunze kwaRusifa nengirozi dzake kubva muchinhanho cheupenyu husiri hwenyama (Abr. 3:26–28), nemavhesi 14–15, anotapa chiporofita chakaitwa naEnoki.