Zvibatsiro Zvekudzidza
Kurambana


Kurambana

Kudimburwa kwemuchato nesimba rapanyika kana mutemo wechechi. Maererano neTestamente Itsva, Mwari vakabvumira kurambana maererano nemamiriro ezvinhu kuburikidza nekuoma kwemwoyo yevanhu; asika, sekutsanangura kwaJesu, “kubvira pakutanga zvakanga zvisina kudaro” (Mat. 19:3–12). Magwaro matsvene anodzidzisa kusarambana kazhinji uye achiraira varume nevakadzi kuti vadanane mukururama (Ⅰ VaKori. 7:10–12; D&Z 42:22).