Zvibatsiro Zvekudzidza
Baari


Baari

Kunamatwa kwechimwari chezuva chaiive chechirume chainamatwa kunyanya muFinisia (Ⅰ Madz. 16:31) asi chichinamatwawo nenzira dzakasiyana-siyana munzvimbo dzakawanda: nevaMoabi saBaari-peori (Num. 25:1–3), paShekemi saBaari-beriti (Vat. 8:33; 9:4), paEkroni saBaari-zebubi (Ⅱ Madz. 1:2). Baari angangove mumwecheteyo saBeri weBabironi naZusi weGiriki. Izwi rinoti Baari rinoratidza hukama huri pakati paishe nemuranda wake. Rupau rwunozivikanwa rwaBaari ibhuru. Ashtoreti ndiye mwarikadzi ainamatwa kazhinji pamwechete naBaari.

Baari dzimwe nguva aibatanidzwa nerimwe zita kana izwi kuratidza kubatana naBaari, sezvakaita nzvimbo yaainamatirwa kana munhu ainge aine kuita kwakafanana nekwaBaari. Mushure, pamusana pekuti Baari rakave zita raireva zvinhu zvakaipisisa kwazvo, izwi rinonzi Bosheti rakatora nzvimbo yaro mumazita aye akabatanidzwa. Bosheti zvinoreva “nyadzi.”