Zvibatsiro Zvekudzidza
Ungwaru


Ungwaru

Ungwaru hunoreva zvinhu zvakawanda: (1) Chiedza chechokwadi chinopa upenyu nechiedza kuzvinhu zvose zviri munyika. Zvakagara zviripo. (2) Izwi rinoti ungwaru hungangoreva vana vemweya vaMwari. (3) Magwaro matsvene angangotaurawo neungwaru sezvinoreva zviumbiso zvemweya chakanga chiripo tisati taberekwa sevana vemweya. (4) Kukwanisa kana chipo chinobva kunaMwari chekutonga zvakanaka. Munhu anowana ungwaru pamusoro pekuona nekudzidzira nokutevedza kutaura kwaMwari. Pasina ruyamuro rwaMwari, munhu haana ruzivo rwechokwadi (2 Ni. 9:28; 27:26).