Soromoni Onawo Bati-sheba; Davidi MuTestamente yaKare, mwanakomana waDavidi naBati-sheba (â…¡Â Sam. 12:24). Soromoni akanga ari kwechinguva mambo wemaIsraeri. Davidi akadaidza Soromoni samambo, â… Â Madz. 1:11–53. Davidi akataurira Soromoni kuti afambe munzira dzaIshe, â… Â Madz. 2:1–9. Ishe vakamuvimbisa mwoyo unonzwisisa, â… Â Madz. 3:5–15. Akatonga vanamai vaviri akaziva amai vemwana chaivo, â… Â Madz. 3:16–28. Akataura zvirevo nenziyo, â… Â Madz. 4:32. Akavaka temberi, â… Â Madz. 6; 7:13–51. Akapira temberi, â… Â Madz. 8. Akashanyirwa namambokadzi weSheba, â… Â Madz. 10:1–13. Soromoni akaroora kunze kweIsraeri, uye vakadzi vake vakatendeutsira mwoyo wake mukunamata vamwari venhema, â… Â Madz. 11:1–8. Ishe vakashatirirwa Soromoni, â… Â Madz. 11:9–13. Akafa, â… Â Madz. 11:43. Davidi akaporofita pamusoro pekubwinya kwekutonga kwaSoromoni, Mpi. 72. Soromoni akatambira vakadzi vazhinji nemadzimai ekunze, asi vamwe havana kugashirwa kubva kuna Ishe, D&Z 132:38 (Jak. 2:24).