Zvibatsiro Zvekudzidza
Chidzitiro chepachipfuva


Chidzitiro chepachipfuva

Magwaro matsvene anotaura ndudzi mbiri dzezvidzitiro zvepachipfuva: (1) Mberi kwehembe dzekuzvidzivirira dzemurwi kana nhumbi dzekurwa. Nekumwe kutaura, vatendi vakafanira kupfeka mahwendefa chepachipfuva chekururama kuti vazvidzivirire kuzvinhu zvakaipa (Isa. 59:17; VaE. 6:14). (2) Nguwo yaipfekwa nemupirisita wepamusoro mumutemo waMosesi (Eks. 28:13–30; 39:8–21). Yakanga yakaitwa nejira uye iine matombo anokosha gumi nemaviri. Dzimwe nguva inotaurwa nezvayo maererano neUrimi neTumimi (D&Z 17:1; Nh—JS 1:35, 42, 52).