Zvibatsiro Zvekudzidza
Dzikinura


Dzikinura

Kuwadzanisa munhu kuna Mwari.

Sekushandiswa kwazvinoitwa mumagwaro matsvene, kudzikinura kurangirwa chiito chechitadzo, izvozvo zvichibva zvabvisa mubairo vechitadzo kumutadzi anenge atendeuka uyezve zvoita kuti agone kuwadzana naMwari. Jesu Kristu ndiye chete aikwanisa kudzikinura zvizere marudzi evanhu ose. Aikwanisa kuita izvi pamusana pekusarudzwa nekufanogadzwa kwake muDare Guru nyika isati yaumbwa (Eta 3:14; Mos. 4:1–2; Abr. 3:27), huMwanakomana hwake hutsvene, neupenyu hwake husina chitadzo. Rudzikinuro rwake rwakasanganisa kutambudzikira kwake zvitema zvemarudzi evanhu muBindu reGetsemani, kudeuka kweropa rake, nekufa kwake nekuzomuka kwake kuvakafa kubva muguva (Isa. 53:3–12; Mosaya 3:5–11; Aru. 7:10–13). Pamusana peRudzikinuro, vose vanhu vachamuka kuvakafa nemiviri isingafi (Ⅰ VaKori. 15:22). Rudzikinuro rwunoitawo kuti tive nenzira yekuti tiregererwe zvitadzo zvedu kuti tigare zvachose naMwari. Asi munhu anenge asvika zera rekugona kuzvifungira akagashira mutemo, anokwanisa kugashira maropafadzo aya chete kana aine ruvimbo muna Jesu Kristu, atendeuka kubva kuzvitadzo zvake, atambira zvisungo zveruponeso, uye achiteerera mirairo yaMwari. Avo vasingasvike zera rekugona kuzvifungira neavo vasina mutemo vano nunurwa kuburikidza nerudzikinuro (Mosaya 15:24–25; Moro. 8:22). Magwaro matsvene anodzidzisa zviri pachena kuti dai Kristu asina kudzikinura zvitadzo zvedu, hakuna murau, chisungo, kana kuzvipira kwaizogutsa zvaidiwa nokutonga kweruenzaniso, uye hakuna munhu aizombofa akasvika zvakare pamberi paMwari (2 Ni. 2; 9).