Zvibatsiro Zvekudzidza
Kanani


Kanani

Munguva dzeTestamente yaKare, mwanakomana wechina waHami (Gen. 9:22; 10:1, 6) muzukuru waNoa. MuKanani zvinotaura munhu anobva munyika yekutanga yaigara Kanani zvichirevawo zvizukuru zvake. MuKanani raive zita revanhu vaigara munyika yedinha raitevedza gungwa reMediterenieni muFiristia. Zita iri dzimwe nguva raishandiswa kutsanangura vose vakanga vasiri maIsraeri vaigara munyika yaive kumadokero kweJordani, vaidaidzwa nemaGiriki kuti maFinisia.