Zvibatsiro Zvekudzidza
Erija


Erija

Muporofita wemuTestamente yaKare akadzoka mumazuva ekupedzisira kuzounza kiyi dzesimba resunganidzo kuna Joseph Smith naOliver Cowdery. Muzuva rake Erija aiitira basa muUmambo hweKuchamhembe kweIsraeri (Ⅰ Madz. 17–22; Ⅱ Madz. 1–2). Aive norutendo rukuru muna Ishe uye achizivikanwawo nezvishamiso zvizhinji. Akamisa kunaya kwemvura kwemakore matatu nemwedzi mitanhatu. Akamutsa mukomana kubva mukufa uye akadaidza moto kubva kudenga (Ⅰ Madz. 17–18). MaJuda achiri kumirira kuti Erija adzoke, sekuporofita kwakaita Maraki kuti achadzoka (Mara. 4:5). Achingori muyeni akakokwa pamabiko epaseka yemaJuda apo musiwo wakazarurwa nechigaro chisina munhu zvinogara zvakamumirira.

Muporofita Joseph Smith akati Erija aive nesimba resungani reHupirisita hwaMerkizedeki uye ari muporofita wekupedzisira kuita izvi nguva yaJesu Kristu isati yasvika. Akazvionesa paGomo reKushandurwa aina Mosesi uye akapa makiyi ehupirisita kuna Petro, Jakobo naJohane (Mat. 17:3). Akazviratidza zvakare, aina Mosesi nevamwe, musi wa3 Kubvumbi 1836, muTemberi yeKirtland, Ohio ndokupa makiyi mamwecheteyo kuna Joseph Smith naOliver Cowdery (D&Z 110:13–16). Zvose izvi kwaive kugadzirira kuuya kwechipiri kwaIshe, sekutaurwa kwazvakaitwa muna Maraki 4:5–6.

Simba raErija ndiro simba resunga rehupirisita rinoita kuti zvinhu zvinosunganudzwa kana kusunungurwa pano pasi zvinosunganidzwa kana kusunungurwa kudenga (D&Z 128:8–18). Varanda vaIshe vakasarudzwa pano pasi nhasi vane simba rekusunganidza iri vanoita zvisungo zvekuponesa zvevhangeri zvevanhu vapenyu nevakafa (D&Z 128:8).