Zvibatsiro Zvekudzidza
Habakuki


Habakuki

Muporofita wemuTestamente yaKare muJuda aitaura pamusana pekuzara kwezvitadzo zvevanhu zvingangova munguva dzekutonga kwaJehoyakimi (zvingangove 600 Kristu asati azvarwa).

Bhuku raHabakuki

Chitsauko 1 ihurukuro pakati paIshe nemuporofita wavo, zvakafanana neidzo dziri muna Jeremia 12 ne D&Z 121. Habakuki ainetseka kuti vakaipa vaiita sevaibudirira. Muchitsauko 2 Ishe akaraira Habakuki kuti avene mwoyo murefu—vakanaka vakafanira kudzidza kugara nerutendo. Chitsauko 3 chinonyora munamato waHabakuki umo maakatenda kururama kwaMwari.