Zvibatsiro Zvekudzidza
Dzidziso neZvibvumirano


Dzidziso neZvibvumirano

Zvakaunganidzwa zvezvakazarurwa zvitsvene zvemazuva ekupedzisira nenhaurwa dzakafemerwa. Ishe vakapa izvi kuna Joseph Smith nekune vanoverengeka vakauya shure kwake kuti vamise nokufambisa umambo hwaMwari pasi mumazuva ekupedzisira. Dzidziso neZvibvumirano rimwe remabasa ari pamwero emagwaro matsvene muChechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira, pamwechete neBhaibheri, Bhuku raMormoni, neDombo Remutengo Mukuru. Dzidziso neZvibvumirano ndiro rega, nokuti harizi dudziro yemagwaro epasichigare; Ishe vakapa zvakazarurwa izvi kuvaporofita vavo vakasarudzwa muzuva renguva ino kuitira kudzorera umambo hwake. Mune zvakazarurwa munhu anonzwa izwi rakapfava asi rakasimba raIshe Jesu Kristu (D&Z 18:35–36).

Muporofita Joseph Smith akati izvo Dzidziso neZvibvumirano ndihwo hwaro hweChechi mumazuva ekupedzisira uye zviri chibatsiro kunyika (D&Z 70:musoro wenyaya). Zvakazarurwa zviri mariri zvinotangisa basa rekugadzirira nzira yaIshe yekuuya kwechipiri, mukuzadzikisa ose mazwi akataurwa namaporofita kubvira kutanga kwenyika.