Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 70


Chikamu 70

Zvakazaruruwa zvakapihwa kuburikidza naJoseph Smith Muporofita, paKirtland, Ohio, 12 Mbudzi 1831 (History of the Church, 1:235–237). Nhoroondo yakanyorwa neMuporofita inoti misangano mikuru mina yaikosha yakaitwa kubvira musi wa1 kusvika musi wa12 Mbudzi. Mune wekupedzisira wemisangano iyi, kukosha kukuru kweBhuku reMirairo, iro rakazodaidzwa kuti Dzidziso neZvibvumirano, kwakataurwa; uye Muporofita anoriti “hwaro hweChechi mumazuva ano ekupedzisira, uye riri chipundutso kunyika, zvichiratidza kuti makiyi ezvakavanzika zveumambo hweMuponesi wedu akadzorerwa zvakare kumunhu” (History of the Church, 1:235).

1–5, Vatariri vanosarudzwa vekuti vashambadze zvakazarurwa; 6–13, Avo vanoshanda muzvinhu zvemweya vanokodzera mubairo wavo; 14–18, Vatendi vanofanira kuve vakaenzana muzvinhu zvemunyika.

1 Tarisai, uye muteerere, imi vagari vemuZioni, uye nemi vanhu vechechi yangu vari kure, uye munzwe izwi raIshe randinopa kumuranda wangu Joseph Smith, Mwana, uyewo nekumuranda wangu Martin Harris, uyewo nekumuranda wangu Oliver Cowdery, uyewo nekumuranda wangu John Whitmer, uyewo nekumuranda wangu Sidney Rigdon, uyewo nekumuranda wangu William W. Phelps, nenzira yemurairo kwavari.

2 Nokuti ndinovapa murairo; nokudaro teererai munzwe, ndikokutaura kwaIshe kwavari—

3 Ini Ishe ndakavadoma, uye ndikavagadza kuti vave avatariri vezvakazarurwa nemirairo iyo yandakavapa, uye neiyo yandichavapa pano;

4 Uye rondedzero yehutariri uhu ndichaida kwavari muzuva rekutongwa.

5 Nokudaro, ndadoma kwavari uye iri ndiro basa ravo muchechi yaMwari, kuzvitarisa uye nezvose zvine chekuita nezvazvo, hongu, nezvavanowana mukudaro.

6 Nokudaro, ndinopa murairo kwavari, kuti havafanire kuzopa zvinhu izvi kuchechi, kana kunyika;

7 Zvisinei, kana vari vanenge vachigashira zvakawanda kupfuura zvavanofanirwa uye nezvavanoda, zvichapihwa akumba yangu yekuchengetera;

8 Uye rubatsiro ruchapihwa kuvagari vemuZioni, uye nekuzvizvarwa zvavo, sezvo vachinge vave avagari venhaka maererano nemirau yemuumambo.

9 Tarisai, izvi ndizvo zvinodiwa naIshe kumunhu wose amuhutariri hwake, kunyange seni Ishe, ndadoma kana zvandichadomera kumunhu upi zvake kubva zvino.

10 Uye tarisai, hapana anosiiwa mumutemo uyu iye ari wechechi yaMwari mupenyu;

11 Hongu, kana bhishopi, kana amumiririri anochengeta imba yaIshe yekuchengetera, kana uyo anodomwa kuhutariri hwekufambisa zvinhu zvemunyika.

12 Uyo akadomwa kuti afambise zvinhu zvemweya, iyeyo aakakodzera mubairo wake, kunyangwe seavo vakadomwa kuti vave vatariri vanotarira zvinhu zvepano;

13 Hongu, kunyangwe zvakawanda, uye uko kuwanda kwacho kwakapetwa kazhinji kwavari kuburikidza nezvinoratidzwa neMweya.

14 Zvisinei, muzvinhu zvenyu zvepano amuchaenzana, uye izvi kwete muchinyunyuta, nokuti kuwanda kwezviratidzo zveMweya kungabviswe.

15 Zvino, uyu amurairo ndinoupa kuvaranda vangu kuti zvivabatsire vachiriko, sechiratidzo chemaropafadzo angu pamisoro yavo, uye semubairo bwekushingirira kwavo uye kuitira kuvadzivirira;

16 Kwezvekudya anezvekupfeka; kwenhaka; kwedzimba uye nokwenyika, pari papi zvapo ini Ishe, pandichavaisa, uye kwose zvako, ini Ishe, kwandichavatumira.

17 Nokuti vanga vakatendeka muzvinhu azvizhinji, uye vakaita zvakanaka mune zvose zvavasina kutadza

18 Tarisai, ini Ishe, ndine atsitsi uye ndichavaropafadza, uye vachapinda mukufara kwezvinhu izvi. Kunyangwe saizvozvo. Ameni.