Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 72


Chikamu 72

Zvakazarurwa zvakapihwa kuburikidza naJoseph Smith, Muporofita, paKirtland, Ohio, 4 Zvita 1831 (History of the Church, 1:239–241). Magosa akawanda nenhengo vakanga vaungana kuti vadzidze mabasa avo uye nokuti vasimbiswe zvakare mukudzidzisa kweChechi. Chikamu ichi kusanganiswa kwezvakazarurwa zviviri zvakagashirwa zuva rimwechetero. Ndima yekutanga kusvika kune yosere dzinozivisa kudaidzwa kwaNewel K. Whitney sabhishopi. Akadaidzwa akagadzwa, mushure mazvo ndima yechipfumbamwe kusvika kundima yechimakumi maviri nenhanhatu dzakagashirwa, dzichipa rumwe ruzivo rwekuti basa rabhishopi chii.

1–8, Magosa anofanira kutaura pamusoro pehutariri hwavo kuna bhishopi; 9–15, Bhishopi anochengeta imba yekuchengetera uye achiyamura varombo uye nevanoshaya; 16–26, Mabhishopi achave anotsinhira kukodzera kwemagosa.

1 Teererai, uye munzwe kuizwi raIshe, imi maungana pamwechete, imi muri mapirisita aepamusoro echechi yangu, kwamuri kuri kwakapihwa bumambo nesimba.

2 Nokuti zvirokwazvo, vanodaro Ishe, zvakanaka kwandiri kuti abhishopi adomerwe imi, kana kudomwa nemi, kuchechi muchidimbu chino chemunda wemizambiringa raIshe.

3 Uye zvirokwazvo muchinhu ichi maita zvakangwara, nokuti zvinodiwa naIshe, akumutariri ega-ega kuti ape brondedzero cyehutariri hwake, zvose munguva ino uye nokusingaperi.

4 Nokuti kune uyo anotendeka uye aakangwara nekufamba kwenguva anowanikwa akakodzera kugara nhaka byedzimba dzaakagadzirirwa naBaba vangu.

5 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, magosa echechi chidimu chino achemunda wangu wemizambiringa vachataura nezvebasa ravo kuna bhishopi, uyu achadomwa neni, muchidimu chino chebindu rangu remidzambiringa.

6 Izvi zvinhu zvichave zvakanyorwa, kuti zvigopihwa kuna bhishopi muZioni.

7 Uye basa arabhishopi richaziviswa kuburikidza nemirairo iyo yakapihwa, uye nezwi remuchechi mukuru.

8 Uye zvino, zvirokwazvo ndinoti kwamuri muranda wangu aNewel K. Whitney ndiye munhu achadomwa uye nokugadzwa kusimba iri. Ichi ndicho chido chaIshe Mwari venyu, Mununuri venyu kunyangwe saizvozvo. Ameni.

9 Shoko raIshe, kuwedzera pane mutemo wapihwa, rinoita kuti basa rabhishopi rizivikanwe uyo akagadzwa kuchechi muchikamu chino chemunda wemizambiringa, rinova zvirokwazvo rinova—

10 Kuchengeta ahozi yaIshe yekuchengetera; kutambira mari yechechi muchikamu chino chemunda wemizambiringa;

11 Kugashira zvisumo zvemagosa sekurairwa kwazvakaitwa kare; uye anekuropafadzra kune zvavanoda, avo vachabhadhara izvo zvavanogashira, kana vari vanazvo zvekubhadharisa;

12 Kuti izvi naizvozvo zvipirwe mukuyamura chechi. Kuvarombo nekune vanoshaya.

13 Uye uyo aasina chekubhadharisa nacho, chikwereti ichocho chichatorwa chonopihwa kuna bhishopi weZioni, uyo achabhadhara chikwereti ichocho neizvo zvichaiswa mumaoko ake naIshe.

14 Uye kushanda kwevakatendeka avo vanoshanda muzvinhu zvemweya, mukuropafadza basa revhangeri uye nezvinhu zveumambo kuchechi, uye nekunyika, zvinotorwa semuripo wechikwereti kuna bhishopi muZioni;

15 Ndikokubva kwainoita muchechi, nokuti maererano anemutemo wose munhu anouya kuZioni anofanira kuisa zvose pamberi pabhishopi muZioni.

16 Uye zvino, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, ose magosa ari muchikamu chino chemunda wemizambiringa akafanira kusuma hutariri hwavo kuna bhishopi muchikamu chino chemunda wemuzambiringa—

17 aTsamba inotsigira inobva kumutongi kana bhishopi muchikamu chino chemunda wemizambiringa, kana bhishopi muZioni, inoita kuti wose munhu atambirwe, uye inotaura zvose zvinodiwa, kuti ave nenhaka, uye nekuti agashirwe bsemutariri akangwara uye semushandi akatendeka;

18 Kana asina, haazogashirwa nabhishopi weZioni.

19 Uye zvino, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, regai rose gosa richazvidairira kuna bhishopi wechechi muchikamu chino chemunda wemizambiringa varevererwe nechechi kana machechi, umo maanoshanda, kuti azviratidze iye nezvaanoita kuti zvakakodzera muzvinhu zvose.

20 Uye zvakare, regai varanda vangu vakadomwa sevatariri pamusoro pezvinetso azvemabhuku zvechechi yangu vave nekodzero yekuyamurwa nabhishopi kana mabhishopi muzvinhu zvose—

21 Kuti azvakazarurwa zvishambadzwe, uye zviende kumiganhu yenyika; kuti naivowo vawane mari iyo ichayamura chechi muzvinhu zvose;

22 Kuti vazviratidze kuti vakakodzera muzvinhu zvose, uye vachiverengwa sevatariri vakangwara.

23 Uye zvino, tarisai uyu uchave mufananidzo kumapazi ose akasiyana-siyana echechi yangu, munyika yose zvayo yaangave amiswa. Uye zvino ndinopedza kutaura kwangu. Ameni.

24 Mazwi mashomanani ekuwedzera kumutemo yeumambo, pamusoro penhengo dzechechi-avo avakadomwa neMweya Mutsvene kuti vaende kuZioni, uye neavo vakakomborerwa kuenda kuZioni—

25 Regai vatakure kuna bhishopi tsamba yekutsigira inobva kumagosa matatu echechi, kana tsamba yekutsigira inobva kuna bhishopi;

26 Zvikasava saizvozvo uyo achaenda kunyika yeZioni haazoverengwa semutariri akangwara. Uyuwo mufananidzo. Ameni.