Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 23


Chikamu 23

Zvakazarurwa zvakapihwa nekuna Joseph Smith Muporofita, paManchester, New York, Kubvumbi 1830, kuna Oliver Cowdery; Hyrum Smith; Samuel H. Smith; Joseph Smith, Baba; naJoseph Knight, Baba (History of the Church, 1:80). Pamusana pechido chemwoyo wose chevanhu vashanu vataurwa kuti mumwe nemumwe azive nezvemabasa ake, Muporofita akabvunza kuna Ishe uye akagashira chakazarurwa ichi.

1–7, Vadzidzi vekutanga ava vonodaidzwa kuti vaparidze, nokukurudzira, nokusimbisa Chechi.

1 Tarisai, ndinotaura kwauri Oliver, mazwi mashomanani. Tarisa, iwe wakaropafadzwa, uye hausi pasi pekutongwa. Asi chenjera akuzvikudza, potse ungapinde bmukuyedzwa.

2 Ita kuti kudaidzwa kwako kuzivikanwe kuchechi, uye nepamberiwo penyika, uye mwoyo wako uchazarurirwa kuparidza chokwadi kubvira zvino kusvikira nariini. Ameni.

3 Tarisai, ndinotaura kwauri Hyrum, mazwi mashomanani; nokuti newewo hausi pasi pekutongwa, uye mwoyo wako wazarurwa, nerurimi rwako rwasunungurwa; uye kudaidzwa kwako ndekwekukurudzira, anokusimbisa chechi nguva dzose. Nokudaro basa rako riri muchechi nariini, uye izvi zvakadaro nekuda kwemhuri yako. Ameni.

4 Tarisai, ndinotaura mazwi mashomanani kwauri, aSamuel; nokuti newewo hausi pasi pekutongwa, kudaidzwa kwako ndekwekukurudzira, nokusimbisa chechi; uye hausati wadaidzwa kuti uparidze pamberi penyika. Ameni.

5 Tarisai, ndinotaura mazwi mashomanani kwauri Joseph; nokuti newewo hausi pasi pekutongwa, kudaidzwa kwakowo ndekwekukurudzira, nokusimbisa chechi; iri ndiro basa rako kubvira zvino kusvika nariini. Ameni.

6 Tarisai, ndinozviratidza kwauri, Joseph Knight, nemazwi aya, kuti wakafanira kutora amuchinjikwa wako, mukudaro wakafanira bkunamata cuchidaidzira pamberi penyika nemuruvandewo, mumhuri yako nemushamwari dzako, nemunzvimbo dzose.

7 Uye tarisai, ibasa rako akubatana nechechi yechokwadi, uye mutauro wako kukurudzira nguva dzose, kuti ugogashira mubairo wemushandi. Ameni.