Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 117


Chikamu 117

Zvakazarurwa zvakapihwa kuburikidza naJoseph Smith Muporofita, paFar West Missouri, 8 Chikunguru 1838, pamusoro pemabasa aidiwa nguva iyoyo kuna William Marks, Newel K. Whitney, naOliver Granger (History of the Church, 3:45–46).

1–9, Varanda vaIshe havana kufanira kuchiva zvinhu zvenyika, nokuti “Chii chinonzi midziyo kuna Ishe?”; 10–16, Vanofanira kusiya zvisina maturo, uye mipiro yavo ichave inoera kuna Ishe.

1 Zvirokwazvo vanodaro Ishe kumuranda wangu William Marks, uye zvakare nekumuranda wangu Newel K. Whitney, ngavagadzirise zvebasa ravo nokukurumidza uye vaende parwendo kubva kunyika yeKirtland, ini Ishe ndisati ndatumira zvakare chando pamusoro penyika.

2 Ngavamuke, uye vasimuke vauye, uye vasagare nokuti Ini Ishe, ndaraira.

3 Naizvozvo, vakagara, hazvivanakire.

4 Regai vatendeuke pazvitadzo zvavo zvose, uye nekuchiva kwavo kwose, pamberi pangu, vanodaro Ishe; nokuti chii chinonzi amidziyo kwandiri? vanodaro Ishe.

5 Zvinhu zviri muKirtland ngazvitengeswe zviripe azvikwereti, vanodaro Ishe. Ngazviende, vanodaro Ishe, uye izvo zvinenge zvasara, ngazvisare zviri mumaoko enyu, vanodaro Ishe.

6 Ko handina here shiri dzedenga nehove dzegungwa, uye nenhika dzemakomo? Handina kuita nyika here? Handizini here ndakabata aupenyu hwemawuto ose emarudzi epasi pano?

7 Naizvozvo, handingaite here kuti nzvimbo adzakaoma dzibereke dzive nemaruva, uye nokuti dziunze zvakawanda? vanodaro Ishe.

8 Hamuna nzvimbo yakakwana here mumakomo aaAdama-ondi-Amani, uye nemumarenje eOlaha bShineha, kana cmunyika maigara Adama, kuti muchive izvi zvinove kadonwe, uye muchiregera nyaya dzine chiremerera?

9 Naizvozvo, uyayi kuno kunyika yevanhu vangu, kunyangwe Zioni.

10 Regai muranda wangu William Marks ave aakatendeka muzvinhu zvishoma, uye anozove mutongi wezvizhinji. Ngaatungamire ari pakati pevanhu vangu muguta reFar West, uye murege aropafadzwe nemaropafadzo evanhu vangu.

11 Regai muranda wangu Newel K. Whitney anyare nezveboka areNikorayatini zvose zvavanoita bmuchivande zvinonyangadza nezvisina maturo pamberi pangu, vanodaro Ishe, uye auye kunyika yeAdama-ondi-Amani, uye ave cbhishopi wevanhu vangu, vanodaro Ishe, kwete muzita asi muzviito, vanodaro Ishe.

12 Uye zvakare ndinoti kwamuri, ndinorangarira muranda wangu aOliver Granger; tarisai, zvirokwazvo ndinoti kwaari zita rake richarangarirwa serinoyera muzvizvarwa nezvizvarwa, nariini nariini, vanodaro Ishe.

13 Naizvozvo ngaarwise zvakasimba nezve rununuro rweHutungamiri hweKutanga hweChechi yangu, vanodaro Ishe. Uye kana akapunzika achasimuka zvakare, nokuti amupiro wake uchave unoyera zvikuru kwandiri, kupinda rugare rwake, vanodaro Ishe.

14 Naizvozvo, regai auye nokukurumidza, kunyika yeZioni; uye nenguva yakafanira achaitwa mutengesi muzita rangu, vanodaro Ishe, kuyamura vanhu vangu.

15 Naizvozvo hakuna munhu anofanira kushora muranda wangu Oliver Granger, asi regai maropafadzo evanhu vangu ave paari nariini nariini.

16 Uye zvakare, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, regai varanda vangu vose vari munyika yeKirtland varangarire Ishe Mwari vavo, uye nemba yanguwo, kuti tarire uye nekuichengetedza iri tsvene, uye nokutandanisa vanochinja mari munguva yangu, vanodaro Ishe. Kunyangwe saizvozvo. Ameni.