Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 31


Chikamu 31

Zvakazarurwa zvakapihwa kuburikidza naJoseph Smith Muporofita, kuna Thomas B. Marsh, Gunyana 1830 (History of the Church, 1:115–117). Chitiiko chainge chichangotevedza gungano reChechi (ona musoro wenyaya muchikamu 30). Thomas B. Marsh akange abhabhatidzwa mukutanga kwemwedzi akange agadzwa sagosa muChechi zvakazarurwa zvino zvisati zvapihwa.

1–6, Thomas B. Marsh anodaidzwa kuti aparidze vhangeri anovimbiswa pamusoro pekuchengeteka kwemhuri yake; 7–13, Anorairwa kuti avenomwoyo murefu, anamate nguva dzose, uye atevere Mweya Munyaradzi.

1 aThomas, mwanakomana wangu, iwe wakaropafadzwa pamusana perutendo rwako mubasa rangu.

2 Tarisai, wakawana matambudziko mazhinji pamusana pemhuri yako; zvisinei, ndichakuropafadza iwe nemhuri yako, hongu, vadiki vako; uye zuva ririkuuya iro kuti vachatenda nokuziva chokwadi nekuve pamwechete newe muchechi yangu.

3 Simudza mwoyo wako ufare, nokuti nguva yebasa rako yasvika; nerurimi rwako rwuchasunungurwa, ugoparidza mashoko aerufaro rukuru kuchizvarwa chino.

4 aUchataura zvinhu zvakaratidzwa kumuranda wangu Joseph Smith, Mwana. Uchatanga kuparidza kubvira pane ino nguva zvichienda mberi, hongu, kukohwa mumunda bwachena kare wave kuda kupiswa.

5 Nokudaro, aisa jeko rako nemwoyo wako wose, uye zvitadzo zvako bwazviregererwa, uye uchatakudzwa cmasvinga kumusana kwako, nokuti dmushandi akakodzera mubairo wake. Naizvozvo mhuri yako ichararama.

6 Tarisai, zvirokwazvo ndinoti kwauri, ibva kwavari kwenguva diki, utaure izwi rangu, ndichavagadzirira nzvimbo yavo.

7 Hongu, andichazarura mwoyo yevanhu, naivo vachakutambira. Ndichamisa chechi neruoko rwako;

8 aUchavasimbisa uye ugovagadzirira kuitira nguva yavachaunganidzwa.

9 Ita amwoyo murefu bmumatambudziko ako, usazvidze avo vanozvidza. Tonga cimba yako muhunyoro, uye urambe wakasimba.

10 Tarisai, ndinoti kwauri uchave chiremba kuchechi, asi kwete kunyika, nokuti havakutambire.

11 Enda nzira yako ipi zvayo yandinenge ndada, uye zvichapihwa kwauri aneMweya Munyaradzi zvauchafanira kuita nekwauchaenda.

12 aNamata nguva dzose, potse ungangopinda bmukuyedzwa uye ugozorasikirwa nemubairo wako.

13 Iva awakatendeka kusvika kumagumo, uye tarisa, ini bndinewe. Aya haasi mazwi emunhu kana evanhu, asi ndeangu, kunyangwe Jesu Kristu, Mununuri wako, cnekuda kwaBaba. Ameni.