Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 111


Chikamu 111

Zvakazarurwa zvakapiwa kuburikidza naJoseph Smith Muporofita, paSalem, Massachusetts, 6 Nyamavhuvhu 1836 (History of the Church, 2:465–466). Panguva iyi vatungamiri veChechi vakanga vari muchikwereti pamusana pekushanda kwavo mukushumira. Vanzwa kuti vanogona kuwana mari yakawanda kuSalem, Muporofita, naSidney Rigdon, Hyrum Smith, uye naOliver Cowdery vakaendako vachibva kuKirtland, Ohio, kunotsvaga nyaya iyi uye vachiparidzawo vhangeri. Varume ava vakaita zvizhinji zvebasa reChechi uye vakaparidza. Pazvakave pachena kuti hakuna mari yakanga ichiuya, vakadzokera kuKirtland. Zvizhinji zvezvinhu zvikuru munyaya iyi zvinoonekwa mumazwi ezvakazarurwa zvino.

1–5, Ishe vanotarisa kuzvinhu zvemunyika zvinodiwa nevaranda vavo; 6–11, Vachashanda neZioni netsitsi uye vagoronga zvose zvinhu kuitira kupunduka kwevaranda vavo.

1 Ini, Ishe Mwari venyu, handina kusafara nekuuya kwenyu parwendo rwuno, zvisinei nekukanganisa kwenyu.

2 Ndine upfumi hwakawanda hwenyu muguta rino hunoyamura Zioni, uye vanhu vazhinji muguta rino, avo vandichaunganidza nenguva yakafanira kupundutsa Zioni, kuburikidza nokushanda kwenyu.

3 Naizvozvo, zvakafanira kuti mujairane nevanhu vari muguta rino, sekutungamirwa kwamuchaitwa, uye sekuzvipihwa kwamunoitwa.

4 Uye zvichaitika nenguva yakafanira kuti ndichapa guta rino mumaoko enyu, kuti muzove nesimba pamusoro paro, zvekuti havazombowana zvakavanzika zvenyu; uye upfumi hwaro huri maererano negoridhe nesirivha huchave hwenyu.

5 Musazvinetse pamusana apezvikwereti zvenyu, nokuti ndichakupai zvenyu, nokuti ndichakupai simba rekuzviripa.

6 Musazvinetse pamusana peZioni, nokuti ndichashanda nayo netsitsi.

7 Garai munzvimbo ino, uye nemumatunhu akatenderedza;

8 Uye nemunzvimbo iyo inova chido changu kuti mugare, zvikuru-kuru, zvicharatidzwa kwamuri anerunyararo nesimba reMweya wangu, izvo zvichayererera kwamuri.

9 Ino nzvimbo munogona kuiwana kana mabvisa mari. Uye bvunzai zvakasimba pamusoro pevagari vakatanga guta iri.

10 Nokuti mune upfumi hunopfuura humwechete muguta rino.

11 Naizvozvo, achenjerai senyoka asi musina chitadzo; uye ndichaita kuti zvose zvinhu bzvinakire imi, nokukurumidza kana muchigona kuzvigashira. Ameni.