Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 11


Chikamu 11

Zvakazarurwa zvakapihwa nekuna Joseph Smith Muporofita kumukoma wake Hyrum Smith, paHarmony, Pennsylvania, Chivabvu 1829 (History of the Church, 1:39–46). Chakazarurwa ichi chakatambirwa kuburikidza neUrimi neTumimi semhinduro yekukumbira nekubvunza kwaJoseph. History of the Church inoti chakazarurwa ichi chakatambirwa mushure mekudzorerwazve kweHupirisita hwaAroni.

1–6, Vashandi vemumunda wemizambiringa vachawana ruponeso; 7–14, Tsvagai huzivi, daidzirai kutendeuka, vimbai muMweya; 15–22, Chengetai mirairo, uye mudzidze shoko raIshe; 23–27, Musarambe mweya wezvakazarurwa newehuporofita; 28–30, Avo vanotambira Kristu vanove vanakomana vaMwari.

1 Basa guru uye arinoshamisa rave kuda kuuya pakati pevana vevanhu.

2 Tarisai, ndini Mwari; ateererai bkushoko rangu, iro rinokurumidza uye crakasimba, drinopinza kupfuura munondo unocheka nekwose, mukupatsanura nepakati zvose nhengo nemwongo; naizvozvo teererai kumashoko angu.

3 Tarisai, munda awachena wamirira kukohwewa; naizvozvo uyo anoda kukohwa, ngaaise jeko rake nesimba rake, uye akohwe zuva richiripo, kuti bagochengetera mweya wake ruponeso crwusingaperi muumambo hwaMwari.

4 Hongu, ani zvake achaisa ajeko rake uye agokohwa, iyeyo akadaidzwa naMwari.

5 Nokudaro, kana amukakumbira kwandiri muchagashira; kana mukagogodza richazarurirwa kwamuri.

6 Zvino sezvo wakumbira, tarisai, ndinoti kwauri; chengeta mirairo yangu, uye mutsvake kuunza nokumisa chinangwa acheZioni.

7 Usatsvake aupfumi asi bungwaru; uye tarisai, zvakavandika zvaMwari zvichapetenurirwa kwamuri, uye ipapo ndipo pamuchaitwa vapfumi. Tarisai uyo ane upenyu hwokusingaperi akapfuma.

8 Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri, chero zvaunoda kwandiri izvozvo zvichave saizvozvo kwauri; uye, kana uchida, uchave nzira yekuita zvakanaka zvakawanda muchizvarwa chino.

9 aUsataure chimwe chinhu kunze bkwekutendeuka kuchizvarwa chino. Chengeta mirairo yangu, uye uyamure kuunza basa rangu, cmaererano nemirairo yangu, uye iwe ucharopafadzwa.

10 Tarisai, une achipo, kana kuti uchawana chipo kana ukave unochida kwandiri murutendo, nemwoyo bwakatendeka, uchidaira musimba raJesu Kristu, kana musimba rangu iro rinotaura kwauri;

11 Nokuti, tarisai, ndini ndirikutaura; tarisai, ndini achiedza chinopenya murima, uye bnesimba rangu ndinopa mazwi aya kwauri.

12 Uye zvino, zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri, isa aruvimbo rwako bmuMweya uyo unotungamirira mukuita zvakanaka—hongu, kuita zvakarurama, ckufamba dwakazvininipisa, ekutonga zvakarurama; uye uyu ndiwo Mweya wangu.

13 Zvirokwazvo, Zvirokwazvo, ndinoti kwauri, ndichapa kwauri Mweya wangu, uyo auchajekesa bpfungwa dzako, izvo zvichazadza mweya wako cmufaro:

14 Uye ndipo pauchaziva, kana kuti nezvizvi uchaziva, zvose zvinhu zvipi zvazvo zvaunoda nezvangu, zviri maererano nezvinhu azvekururama, murutendo uchidaira mandiri kuti uchagashira.

15 Tarisai, ndinokuraira kuti haufanire kufungidzira kuti wakadaidzwa kuti uparidze kudakara awadaidzwa.

16 Mira kwenguva yakareba zvishoma, kudakara wawana izwi rangu, adombo rangu, chechi yangu, nevhangeri rangu, kuti uzive zvechokwadi dzidziso yangu.

17 Uye zvino tarisai, maererano nezvaunoda, hongu, kunyangwe maererano nerutendo rwako zvichaitwa kwauri.

18 Chengeta mirairo yangu; nyarara; kumbira kuMweya wangu;

19 Hongu, anamatira pandiri nemwoyo wako wose, kuti uyamure mukuunza kuchiedza zvinhu izvo zvakataurwa nezvazvo—hongu, kududzirwa kwebasa rangu; iva nemwoyo murefu kudakara wazvipedza.

20 Tarisai, iri ndiro basa rako, akuchengeta mirairo yangu, hongu, nekugwinya kwako kwose, nepfungwa nesimba.

21 Usatsvake kuparidza izwi rangu, asi chekutanga tsvaka akuwana izwi rangu, uye zvino rurimi rwako rwuchasunungurwa; zvino, kana uchida, uchave neMweya wangu nezwi rangu, hongu, simba raMwari mukupwisa vanhu.

22 Asi iye zvino nyarara; dzidza izwi arangu iro raenda mukati mevana vevanhu, uye zvakare bdzidza izwi crangu iro richauya mukati mevana vevanhu, kana iro ririkududzirwa iye zvino, hongu, kudakara wawana zvose dzvandichapa kuvana vevanhu muchizvarwa chino, uye ndipo pachapamhidzirwa zvinhu zvose.

23 Tarisai, ndiwe aHyrum, mwanakomana wangu; btsvaka umambo hwaMwari, uye zvose zvinhu zvichapamhidzirwa maererano nechecho chakanaka.

24 aVaka pamusoro pedombo rangu, rinove ndiro bvhangeri rangu;

25 Usarambe mweya awezvakazarurwa, kana mweya bwehuporofita, nokuti nhamo kwaari uyo anoramba zvinhu izvi;

26 Nokudaro, arongedzera mumwoyo mako kudakara nguva iri muungwaru hwangu yekuti uzoenda.

27 Tarisai, ndinotaura kune vose vanoda zvakanaka, uye avo avakaisa majeko avo kuti vakohwe.

28 Tarisai, ndini aJesu Kristu, Mwanakonama waMwari. Ndini upenyu bnechiedza chenyika.

29 Ndini mumwecheteyo akauya kune vekwangu uye vekwangu vakasanditambira;

30 Asi zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri, vazhinji vachanditambira, kwavari ndichavapa asimba kuti vave bvanakomana vaMwari, kunyangwe kune avo vanotenda muzita rangu. Ameni.