Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 41


Chikamu 41

Zvakazarurwa zvakapihwa kuburikidza naJoseph Smith Muporofita, kuChechi, paKirtland, Ohio, 4 Kukadzi 1831 (History of the Church, 1:146–147). Bazi reChechi reKirtland panguva iyi rakange richikurumidza kukura muhuwandu hwevanhu. Pamberi pechakazarurwa chino, Muporofita akanyora kuti, “Nhengo … dzakanga dzichishingairira kuita kuda kwaMwari, sekuziva kwadzaiita, kana dai zvazvo dzimwe pfungwa dzisiriidzo nemweya yenhema yakange yapinda pakati pavo … [uye] Ishe akapa kuChechi zvinotevera” (History of the Church, 1:146–147).

1–3, Magosa achatonga Chechi nemweya wezvakazarurwa; 4–6, Vadzidzi vechokwadi vachagashira nokuchengeta mutemo waIshe; 7–12, Edward Partridge anodaidzwa sabhishopi muChechi.

1 Teererai, uye munzwe, imi vanhu vangu, vanodaro Ishe naMwari wenyu, imi vandinofarira akuropafadza nemaropafadzo makuru kupfuura ose, imi munondinzwa; uye imi musingandinzwe bndichakutukai imi cmakakambira zita rangu, nekutuka kunokunda kwose kutuka.

2 Teererai, imi magosa echechi avo vangu vandakadaidza, tarisai ndinokupai murairo, kuti muchaungana pamwechete kuti amubvumirane pamusoro peshoko rangu;

3 Nemunamato werutendo rwenyu muchagashira amutemo wangu, kuti mugoziva kutonga chechi yangu nokuve nezvinhu zvose zvakarurama pamberi pangu.

4 Uye ndichave amutongi wenyu bpandinouya; uye tarisai, ndinouya nokukurumidza, uye imi muchaona kuti mutemo wangu wachengetwa.

5 Uyo aanogashira mutemo wangu uye bakauita, mumwecheteyo mudzidzi wangu; uye uyo anoti agashira akasauita mumwecheteyo haasi mudzidzi wangu, uye cachabviswa pakati penyu;

6 Nokuti hazvina kufanira kuti zvinhu zvevana veumambo zvipihwe kune avo vasina kukodzera, kana akumbwa, kana bzvinokosha zvikandwe pamberi penguruve.

7 Uye zvakare, zvakafanira kuti muranda wangu Joseph Smith, Mwana, ave anemba inovakwa yokugara uye bnokududzira.

8 Uye zvakare, zvakafanira kuti muranda wangu Sidney Rigdon anofanira kugara sezvaanoona zvakamunakira, kana achichengeta mirairo yangu—

9 Uye zvakare, ndadaidza muranda wangu aEdward Partridge; uye ndinopa murairo, kuti anofanira kudomwa nezwi rechechi, uye ogadzwa bsabhishopi wechechi, kuti asiye zvaanotengesa kuti cashandise nguva yake yose mumabasa echechi;

10 Kuona kuzvinhu zvose sekudomwa kwazvichaitwa kwaari mumitemo yangu muzuva iro randichayipa.

11 Izvi nechikonzero chekuti mwoyo wake wakachena pamberi pangu, nokuti akaita asaNatanaeri wekare, uyo asina bhunyengedzi maari.

12 Aya mazwi anopihwa kwamuri, uye akachena pamberi pangu; nokudaro, chenjerai kuti munoabata sei, nokuti achapindurirwa pamweya yenyu nemusi wekutongwa. Kunyangwe saizvozvo. Ameni.