Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 8


Chikamu 8

Zvakazarurwa zvakapihwa kuburikidza naJoseph Smith Muporofita kuna Oliver Cowdery, paHarmony, Pennsylvania, mwedzi weKubvumbi 1829 (History of the Church, 1:36–37). Mukududzirwa kweBhuku raMormoni, Oliver, akaramba achishanda ari munyori, achinyora zvaidaidzirwa neMuporofita, akada kuti apihwe chipo chekududzira. Ishe vakapindura kukumbira kwake nekupa chakazarurwa chino.

1–5, Zvakazarurwa zvinouya nesimba reMweya Mutsvene; 6–12, Ruzivo rwezvakavanzika zvaMwari uye nesimba rekududzira zvinyorwa zvepasichigare rwunouya nerutendo.

1 aOliver Cowdery, zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri, nechokwadi, sekurarama kunoita Ishe, avo vanove ndivo Mwari wako uye neMununuri wako, kunyangwe chokwadi uchagashira bruzivo rwezvinhu zvose zvazvo zvaungade kana cukakumbira murutendo, nemwoyo unovimbika, uchitenda kuti uchatambira ruzivo maererano nekunyorwa dkwezvinyorwa zvekare, izvo zvepasi chigare, zvine zvidimu izvo zvemagwaro matsvene angu zvakataurwa enekuiswa pachena neMweya wangu.

2 Hongu, tarisai andichakuudza mupfungwa dzako bnemumwoyo mako, neMweya cMutsvene, uyu uchauya pauri uye uyu uchagara mumwoyo mako.

3 Zvino tarisai, uyu ndiwo mweya wezvakazarurwa; tarisai, uyu ndiwo mweya uyo wakaita kuti Mosesi aunze vana vaIsraeri mukupfuura nemuGungwa aDzvuku pavhu rakaoma.

4 Nokudaro ichi ndicho chipo chako; chishandise, uye wakaropafadzwa iwe, nokuti zvichakubvisa mumaoko evavengi vako, nokuti, dai zvakanga zvisiri izvo, vaikuponda uye nokuunza mweya wako mukuparadzwa.

5 Rangarira amazwi aya, uye chengeta mirairo yangu. Rangarira, ichi ndicho chipo chako.

6 Zvino ichi hachizicho chipo chako chete; nokuti unechimwe chipo, icho chiri chipo chaAroni; tarisai, chakuudza zvinhu zvizhinji;

7 Tarisai, hakuna rimwe simba, kunze kwesimba raMwari, iro rinogona kuita kuti chipo ichi chaAroni chive newe.

8 Nokudaro, usakahadzike, nokuti chipo chaMwari; uye uchachibata mumaoko ako, uye ugoita mabasa anoshamisa; uye hakuna simba richagona kuchitora kubva mumaoko ako, nokuti ibasa raMwari.

9 Uye nokudaro, chose zvacho chauchandikumbira kuti ndikutaurire netsika iyoyo, ichocho ndichachipa kwauri, uye uchave neruzivo maererano nacho.

10 Rangarira kuti pasina arutendo hakuna chaungaite; nokudaro kumbira murutendo. Usatambe nezvinhu izvi; bUsakumbire icho chisingafanirwe.

11 Kumbira kuti uzive zvakavanzika zvaMwari, uye aududzire uye ugogashira ruzivo kubva kuzvinyorwa zvose izvo zvepasichigare izvo zvakange zvakavigwa, izvo zvinoyera; uye maererano nerutendo rwako zvichaitwa kwauri.

12 Tarisai, ndini ndazvitaura; uye ndini iye mumwecheteyo akataura kwauri kubvira pakutanga. Ameni.