Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 81


Chikamu 81

Zvakazarurwa zvakapihwa kuburikidza naJoseph Smith Muporofita, paHiram, Ohio, Kurume 1832 (History of the Church, 1:257–258). Frederick G. Williams anodaidzwa kuve mupirisita wepamusoro nekuve gurukota reHutungamiri hweHupirisita Hwepamusoro. Zvinyorwa zvenhoroondo zvinoratidza kuti chakazarurwa ichi pachakagashirwa munaKurume 1832, chakadaidza Jesse Gause kuchigaro chegurokota raJoseph Smith muHutungamiri. Zvisinei paakatadza kuenderera mberi arimutsika inopindirana nekudaidzwa uku, basa iri rakapedzisira raiswa kuna Frederick G. Williams. Chakazarurwa ichi (chine zuva raKurume 1832) chinofanira kutariswa sechinhano chemazvo muhurongwa kekutanga hweHutungamiri Hwekutanga, zvakanangana nokudaidzwa kwegurukota mudare iroro uye nokutsanangura chiremerera chechigaro ichocho. Muzvarwa Gause akashanda kwechinguvana asi akachekwa muChechi munaZvita 1832. Muzvarwa Williams akagadzwa kuchigaro chataurwa ichi musi wa18 Kurume 1833.

1–2, Makiyi eumambo nguva dzose anobatwa neveHutungamiri Hwekutanga; 3–7, Kana Frederick G. Williams akatendeka muhushumiri hwake, achawana upenyu hwokusingaperi.

1 Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri muranda wangu Frederick G. Williams: Teerera kuizwi reuyo ari kutaura, kushoko raIshe Mwari vako, uye uteerere mukudaidzwa kwawaitwa, kunyangwe kuve mupirisita awepamusoro muchechi yangu, uye negurukota kumuranda wangu Joseph Smith, Mwana;

2 Ari uyu wandapa amakiyi eumambo, ayo anogara nguva dzose ari beHutungamiri hweHupirisita Hwepamusoro;

3 Naizvozvo, zvirokwazvo ndinomutambira uye ndichamuropafadza, uye newewo, kana uchinge wakatendeka mukuraira, muchinzvimbo chandadoma kwauri, mumunamato nguva dzose, uchidaidzira uye nemumwoyo, pachena, nemuruvande uye muhushumiri hwako mukushambadza vhangeri munyika yavapenyu, uye nepakati pehama dzako.

4 Uye mukuita zvinhu izvi uchaita zvinhu kupinda zvimwe zvose zvakanaka kune vamwe vako, uye uchikuridzira akubwinya kwavo avo Ishe vako.

5 Nokudaro, iva unotendeka, mira muchinzvimbo chandadoma kwauri; ayamura vasina kusimba, simudza maoko akarembera, uye busimbise mabvi casina simba.

6 Uye kana uri wakatendeka kusvika kumagumo uchave nekorona ayekusafa, uye neupenyu bhwokusingaperi cmudzimba dzandakagadzira mumba maBaba vangu.

7 Tarisai, uye ona, aya mazwi aArfa naOmega, kana Jesu Kristu. Ameni.