Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 5


Chikamu 5

Zvakazarurwa zvakapiwa nekuburikidza naJoseph Smith Muporofita, paHarmony, Pennsylvania, Kurume, 1829, zvakumbirwa naMartin Harris (History of the Church, 1:28–31).

1–10, Chizvarwa chino chichagashira izwi raIshe kuburikidza naJoseph Smith; 11–18, Vapupuri vatatu vachapupura nezveBhuku raMormoni; 19–20, Izwi raIshe richasimbiswa semunguva dzakapfuura; 21–35, Martin Harris angangotendeuka uye akave mumwe wevapupuri.

1 Tarisai, ndinoti kwauri, kuti sezvo muranda wangu aMartin Harris ada uchapupu kubva muruoko rwangu, kuti iwe, muranda wangu Joseph Smith, Mwana, bunemahwendefa ayo awakapupura nezvawo uye ukapupura kuti wakazvitambira kwandiri;

2 Uye zvino tarisai, izvi ndizvo zvauchataura kwaari—iyeyo akataura kwauri, akati kwauri: Ini Ishe, ndini Mwari, uye ndakapa kwauri zvinhu izvi muranda wangu Joseph Smith, Mwana, uye ndikakuraira kuti wakafanira kumira asemupupuriri wezvinhu izvi;

3 Uye ndikakuita kuti upinde muchibvumirano neni, kuti usazviratidze kunze kweavo avanhu vandakakuraira; uye hauna bsimba pamusoro pazvo kunze kwekunge ndaripa kwauri.

4 Uye unechipo chekududzira mahwendefa; uye ichi ndicho chipo chekutanga chandakaisa pauri; uye ndakakuraira kuti hakuna chimwezve chipo chaungagambire dakara basa rangu razadzikiswa muzvinhu izvi; nokuti handizokupa chimwe chipo kudakara zvapera.

5 Zvirokwazvo, ndinoti kwauri, dambudziko richauya kuvagari vepasi kana avasingateerere kumazwi angu;

6 Nokuti mushure mezvizvi auchagadzwa uye woenda uye ugopa bmazwi angu kuvana vevanhu.

7 Tarisai, kana avakasatenda mazwi angu, havangatende iwe, muranda wangu Joseph, kunyange dai zvichikwanisika kuti uvaratidze zvose zvinhu izvi zvandaisa kwauri.

8 Chizvarwa achevasingatende ichi uye bchakaoma mutsipa—hasha dzangu dzabatidzwa kwavari.

9 Tarisai, zvirokwazvo ndinoti kwauri, andachengetedza zvinhu izvo zvandakaisa mumaoko ako, muranda wangu Joseph, nechinangwa cheungwaru mandiri, uye zvichaziviswa zvizvarwa zvichauya;

10 Asi chizvarwa chino chichawana izwi rangu kuburikidza newe;

11 Uye pamusoro peuchapupu hwako, auchapupu hwevaranda vangu vatatu, avo vandichadaidza ndigogadza, kwavari ndicharatidza zvinhu izvi, uye vachaenda nemazwi angu anopihwa kuburikidza newe.

12 Hongu, vachaziva zvechokwadi kuti zvinhu izvi ndezvechokwadi, nokuti kubva kudenga, ndichazvitaura kwavari.

13 Ndichavapa simba kuti vagone kuona nokutarisa zvinhu izvi sezvazviri;

14 Uye ahakuna mumwezve wandichapa simba iri, kuti vatambire uchapupu humwechetehwo pakati pechizvarwa chino, mukutanga kuno nokusimuka uye nokuuya bkwechechi yangu kubva murenje rakajeka csemwedzi—uye nekunaka sezuva, uye nokutyisa semauto anemireza.

15 Uye uchapupu ahwevapupuri vatatu ndinohutumira nezwi rangu.

16 Uye tarisai, aninani zvake aanotenda mumazwi angu, ivavo ndivo bvandichashanyira cnokuratidza dMweya wangu; uye evachazvarwa neni, kunyangwe nemvura uye neMweya—

17 Uye iwe wakafanira kumbomira kwechinguvana, nokuti hausati awagadzwa

18 Uye uchapupu hwavo huchaendawo amukutongwa kwechizvarwa chino kana vakaomesa mwoyo yavo kwavari;

19 Nokuti ashamhu inoparadza ichaenda pakati pevagari vepasi, uye icharamba ichidirwa nguva nenguva, kana bvakasatendeuka, kudakara nyika cisisina chinhu, uye vagari vacho vapedzwa uye vaparadzwa zvachose nekupenya dkwekuuya kwangu.

20 Tarisai, ndinokutaurira zvinhu izvi, kunyangwe asekutaurira kwandakaitawo vanhu nezvekuparadzwa kweJerusarema; uye bizwi rangu richasimbiswa panguva iyoyi sekusimbiswa kwarakamboita kare.

21 Uye zvino ndinokuraira, muranda wangu Joseph, kuti utendeuke uye ufambe wakatwasanuka pamberi pangu, uye nokusatevedza kunyengetedzwa nevanhu zvakare;

22 Uye nokuti ushinge amukuchengetedza mirairo iyo yandakakuraira iwe; uye kana ukaita izvi, tarisai ndinokupa iwe upenyu hwokusingaperi, kunyangwe kana bukaurawa.

23 Iyezvino, zvakare, ndinotaura kwauri, muranda wangu Joseph, maererano anemurume arikuda uchapupu—

24 Tarisai, ndinoti kwaari, anozvikudza uye asingazvininipise zvakakwana pamberi pangu; asi kana akakotama pamberi pangu, uye akazvininipisa mumunamato wakasimba nerutendo, muchokwadi chemwoyo wake, ndipo pandichamubvumira akuona zvinhu zvaanoda kuona.

25 Uye zvino achazoti kuvanhu vechizvarwa chino: Tarisai ndakaona zvinhu izvo zvakaratidzwa naIshe kuna Joseph Smith, Mwana, uye andinoziva zvechokwadi kuti ndezvechokwadi, nokuti ndakazviona, nokuti zvakaratidzwa kwandiri nesimba raMwari uye kwete remunhu.

26 Uye ini Ishe ndamuraira iye, muranda wangu Martin Harris, kuti asataurezve zvimwe kwavari maererano nezvinhu izvi, kunze kwekuti ati: Ndakazviona, zvakaratidzwa kwandiri nesimba raMwari; aya ndiwo mazwi aachataura.

27 Asi akaramba izvi anenge atyora chibvumirano icho chaakabvumirana neni kare, uye tarisai, atotongwa.

28 Uye zvino, kunze kwekunge azvininipisa uye nokubvuma kwandiri zvinhu zvaakaita zvakaipa, uye agobvumirana neni kuti achachengetedza mirairo yangu, uye nokuve nerutendo mandiri, tarisai, ndinoti kwaari, haazomboona zvinhu zvakadaro, nokuti handimupe mukana wekuona zvinhu zvandataura nezvazvo.

29 Uye kana izvi zviri izvo, ndinokuraira iwe, muranda wangu Joseph, kuti uchati kwaari, kuti haachaita zvimwe, kana kundinetsa zvakare maererano nenyaya iyi.

30 Kana izvi zviri izvo, tarisai, ndinoti kwauri Joseph, kana wadudzira mamwe mapeji mashoma, uchambomira kwechinguva, kunyangwe kudakara ndakutaurira zvakare; ipapo wozotanga kududzira zvakare.

31 Uye kunze kwekunge waita izvi, tarisai, hauchazove nechipo zvakare, uye ndichatora zvinhu zvandaisa mauri.

32 Uye zvino pamusana pekuti ndiri kufanoona kuhwandirwa kuti uparadzwe, hongu, ndiri kufanoona kuti kana muranda wangu Martin Harris akasazvininipisa uye agogashira uchapupu kubva muruoko rwangu, kuti achawira mukutadza;

33 Uye kune vazhinji vakahwandira akukuparadza kubva pameso penyika; uye nechikonzero ichi, kuti mazuva ako apamhidzirwe, ndakakupa mirairo iyi.

34 Hongu, nechikonzero ichi ndataura kuti: Mira, uye umire wakadaro dakara ndakuraira, uye andichakupa zvinoita kuti ukwanise kupedza chinhu icho chandakakuraira.

35 Uye kana awakatendeka mukuchengeta mirairo yangu, buchasimudzirwa pazuva rekupedzisira. Ameni.