Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 13


Chikamu 13

Kugadzwa kwaJoseph Smith naOliver Cowdery kuHupirisita hwaAroni mumahombekombe eRwizi rweSusquehanna, pedyo neHarmony, Pennsylvania, musi wa15 Chivabvu, 1829 (History of the Church, 1:39–42). Kugadzwa uku kwakaitwa nemaoko engirozi yakazvisuma saJohane, mumwecheteyo anonzi Johane Mubapatidzi muTestamente Itsva. Ngirozi yakatsanangura kuti yakanga ichiita izvi iri pasi pekuraira kwaPetro, Jakobo naJohane, Vaapositori vepasichigare, vakanga vaine kiyi dzehupirisita hwepamusoro, hwaidaidzwa kuti hupirisita hwaMerkizedeki. Chivimbiso chakapihwa kuna Joseph naOliver kuti nekufamba kwenguva Hupirisita hwaMerkizedeki huchaiswa pavari. (Tarisa chikamu 27:7, 8, 12.)

Kiyi nemasimba eHupirisita hwaAroni anopihwa.

1 Panemi vamwe vangu varanda, muzita raMesiya andinogadza bHupirisita hwaAroni, uhwo hunobata kiyi dzekushumira ckwengirozi, uye nedzevhangeri drekutendeuka, uye enedzekubhabhatidzwa uchinyikwa kubvisa zvitadzo; uye izvi hazvizotorwa zvakare kubva panyika, kudakara vanakomana fvaRevi vapira zvakare mupiro kuna Ishe gmukururama.