Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 40


Chikamu 40

Zvakazarurwa zvakapihwa kuna Joseph Smith Muporofita nekuna Sidney Rigdon, paFayette, New York, Ndira 1831 (History of the Church, 1:145). Pamberi pechinyorwa chechakazarurwa chino, Muporofita akanyora kuti, “Sekuramba kwakaita James Covill izwi raIshe, uye achidzokera kuzvinhu zvake zvakare nevanhu, Ishe vakapa kwandiri naSidney Rigdon chakazarurwa chinotevera” (History of the Church, 1:145).

1–3, Kutya kutambudzwa nezvinhu zvenyika zvinokonzera kurambwa kwevhangeri.

1 Tarisai, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, kuti mwoyo wemuranda wangu aJames Covill wakanga wakanaka pamberi pangu, nokuti akabvumirana neni kuti anozoteerera izwi rangu.

2 Uye aakagashira izwi nokufara asi pakarepo Satani akamuedza; uye kutya bkutambudzwa nezvinhu zvenyika zvakaita kuti carambe izwi.

3 Nokudaro akatyora chibvumirano changu, uye zvasarira kwandiri kuita kwaari zvandinoona zvakanaka. Ameni.