Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 108


Chikamu 108

Zvakazarurwa zvakapihwa kuburikidza naJoseph Smith Muporofita, paKirtland, Ohio, 26 Zvita (History of the Church, 2:345). Chikamu ichi chakagashirwa chakumbirwa naLyman Sherman, uyo akange akagadzwa semupirisita wepamusoro uye semumwe wevane makumi manomwe, uye uyo akanga auya kuMuporofita nechichemo chekuzarurirwa kuti aziviswe basa rake.

1–3, Lyman Sherman anoregererwa zvitadzo zvake; 4–5, Anoverengerwa pamagosa anotungamira eChechi; 6–8, Anodaidzwa kuti aparidze vhangeri uye nokusimbisa vamwe vake.

1 Zvirokwazvo vanodaro Ishe kwauri, muranda wangu Lyman: Zvitadzo zvako wazviregererwa, nokuti wateerera izwi rangu mukuuya kwako kuno mangwanani ano kuti uzogashira kurairwa neuyo wandakasarudza.

2 Nokudaro, mweya wako angauzorore pamusoro pepauchamira munezvemweya, uye usarwise zvakare izwi rangu.

3 Uye simuka uchenjere kubvira zvino mukucherechedza zvitsidzo zvako, izvo zvawakaita nezvauri kuita, uye uchazoropafadzwa nemaropafadzo mazhinji makuru.

4 Mira nemwoyo murefu gungano arinoera radaidzirwa nevaranda vangu, zvino ucharangarirwa pamwechete neekutanga magosa angu, uye ugogashira mvumo nekugadzwa nevamwe vose vemagosa angu avo vandakasarudza.

5 Tarisai, ichi achivimbiso chaBaba kwauri kana ukaramba uchitendeka.

6 Uye chichazadzikiswa pauri muzuva iroro rauchave nemvumo ayekuparidza vhangeri rangu uko kwose kwandichakutuma kubvira panguva iyoyo.

7 Naizvozvo, asimbisa hama dzako mukukurukura kwako kwose, muminamato yako yose, mukukuridzira kwako kwose, nomukuita kwako kwose.

8 Uye tarisai uye uone, ndinewe kuti ndikuropafadze anokukununura zvachose. Ameni.