Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 103


Chikamu 103

Zvakazarurwa zvakapihwa kuburikidza naJoseph Smith Muporofita, paKirtland, Ohio, 24 Kukadzi 1834 (History of the Church, 2:36–39). Chakazarurwa ichi chakagashirwa mushure mekusvika muKirtland, Ohio, kwaParley P. Pratt naLyman Wight, avo vakanga vabva kuMissouri kuti vazotaura neMuporofita pamusoro pekuyamurwa nekudzorerwa kweVatendi kuRuwa rweJackson.

1–4, Sei Ishe vakabvumira Vatendi muRuwa rweJackson kuti vatambudzwe; 5–10, Vatendi vachakunda kana vakachengeta mirairo; 11–20, Rununuro rweZioni rwunounzwa nesimba; uye Ishe vachaenda mberi kwevanhu vavo; 21–28, Vatendi vanofanira kuungana muZioni, uye avo vacharasikirwa neupenyu hwavo vachahuwana zvakare; 29–40, Vazvarwa vakasiyana-siyana vanodaidzwa kuti vagadzire misasa yeZioni uye kuti vaende kuZioni; vanovimbiswa kukunda kana vachitendeka.

1 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, shamwari dzangu, tarisai ndichapa kwamuri chakazarurwa nemurairo, kuti mugoziva azvekuita mukuita basa renyu maererano neruponeso bnerununuro rwehama dzenyu, avo vakapararira nenyika yeZioni;

2 Vari avakatinhwa nekurohwa nemaoko evavengi vangu, avo vandichadeurira hasha dzangu dzisisina mwero munguva yangu.

3 Nokuti ndakabvumira kusvika zvino kuti avazadze chiyero chekuipa kwavo, kuti mukombe wavo uve wakazara;

4 Kuti avo vanozvidaidza nezita rangu avarangwe kwechinguva chidiki-diki nekurangwa kunorwadza kunosuwisa, nokuti havana bkumboteerera zvavo kumitemo nemirairo yandakavapa.

5 Asi zvirokwazvo ndinoti kwamuri, ndatsidza nechitsidzo icho chichaonekwa nevanhu vangu, kana vari vanoteerera kubvira panguva ino amukuraira uko Ini, Ishe Mwari vavo, kwandichavapa.

6 Tarisai, nokuti ini ndazvitsidza, vachave vanotanga kukunda vavengi vangu kubvira panguva iyo ino.

7 Uye amukuteerera kuti vacherechedze ose mashoko Ini Ishe Mwari vavo, andichataura kwavari, havachazorega kukunda kudakara bumambo hwenyika hwakurirwa pasi petsoka dzangu, uye pasi crapihwa dkuvatendi, kuti rive eravo nariini nariini.

8 Asi kana vari vasiri akuchengeta mirairo yangu, uye vasingateerere kuti vacherechedze ose mazwi angu, umambo hwenyika huchavakurira.

9 Nokuti vakaiswa kuti vave achiedza chenyika, uye nokuti vave vaponesi vevanhu;

10 Uye kana vasiri vaponesi vevanhu, vanoita asemunyu wadurungunda, uye nokudaro unenge usisina chawakanakira asi kuti urasirwe kunze uye uchitsikwa netsoka dzevanhu.

11 Asi zvirokwazvo ndinoti kwamuri, ndatsidza kuti hama dzenyu idzo dzakaparadzwa dzichidzoka akunyika dzenhaka yadzo, uye dzigovaka matongo enzvimbo dzeZioni.

12 Nokuti mushure mekunetswa akwakawanda, sekutaura kwandakaita kwamuri pane mumwe murairo, kunouya maropafadzo.

13 Tarisai, aya ndiwo maropafadzo andakavimbisa mushure mematambudziko enyu, uye nematambudziko ehama dzenyu, kununurwa kwenyu, uye nokununurwa kwehama dzenyu, kana nokudzorerwa kwavo kunyika yeZioni, kuti imiswe, kuti vasazodzikisirwa pasi zvakare.

14 Zvisinei, kana vakasvibisa nhaka dzavo vachakandwa pasi; nokuti handizovaregerera kana vakasvibisa nhaka dzavo.

15 Tarisai, ndinoti kwamuri, rununuro rweZioni rwunofanira kuunzwa nesimba;

16 Nokudaro, ndichamutsira vanhu vangu munhu achavatungamira kufanana anaMosesi akatungamira vana vaIsraeri.

17 Nokuti imi muri vana vaIsraeri, uye avembeu yaAbrahama, uye munofanira kutungamirwa kubuda muhusungwa nesimba, uye neruoko rwakatambanudzwa.

18 Uye sekutungamirwa kwakaitwa madzibaba enyu pakutanga, kunyangwe saizvozvo ndizvozvichaitawo rununuro rweZioni ruchadaro.

19 Naizvozvo, musarege mwoyo yenyu ichineta, nokuti handitaure kwamuri sezvandakataura kumadzibaba enyu. aNgirozi yangu ichaenda pamberi penyu asi kwete bkuvepo kwangu.

20 Asi ndinoti kwamuri: aNgirozi dzangu dzichaenda mberi kwenyu, uye nekuvepo kwangu, uye nenguva bmuchawana nyika yakanaka.

21 Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, kuti muranda wangu Joseph Smith, Mwana ndiye amunhu andakafananidza nemuranda uyo akataurwa naye naIshe bwemunda wemizambiringa mumufananidzo wandakakupai.

22 Nokudaro, regai muranda wangu Joseph Smith, Mwana ati kune asimba remba yangu, majaya angu uye neavo vabvezera—Unganai pamwechete kunyika yeZioni munyika yandakatenga nemari iyo yakatsaurirwa kwandiri.

23 Uye chechi ngadzitumire varume vakangwara nemari dzavo, uye avagotenga nzvimbo sekuraira kwandakaita kwavari.

24 Uye kana vavengi vangu vari vanouya kwamuri kuzokubvisai amunzvimbo dzandakakupai dzakanaka, idzo dzandakatsaura kuti dzive nyika yeZioni, kunyangwe kubva munzvimbo dzenyu mushure meuchapupu uhu, uho hwamakaunza pamberi pangu, muchavatuka.

25 Uye ani zvake amuchatuka, ini ndichamutuka, uye muchanditsividzira vavengi vangu.

26 Uye ini ndichange ndiripo nemi apakutsividzira vavengi vangu, kusvika kuchizvarwa chechitatu nechina cheavo vanondivenga.

27 Ngakurege kuve nemunhu anotya kupira upenyu hwake pamusana pangu, nokuti ani zvake aanopira upenyu hwake pamusana pangu achahuwana zvakare.

28 Uye ani zvake asingade kuisa upenyu hwake pasi pamusana pangu haasi mudzidzi wangu.

29 Chido changu kuti muranda wangu aSidney Rigdon asimudze izwi rake ari kumakungano enyika dziri kumabvazuva, mukugadzira chechi dzenyika dziri kumabvazuva, mukugadzira machechi kuti vachengete mirairo yandakavapa pamusoro pekudzorerwa pakare nekununurwa kweZioni.

30 Kuda kwangu kuti muranda wangu Parley P. aPratt uye nemuranda wangu Lyman Wight, vasadzokere kunyika yehama dzavo, kudakara vawana vekuenda navo kunyika yeZioni, vari mumakumi kana maviri, kana mashanu, kana mazana, kudakara vawana huwandu hunoita mazana mashanu besimba remba yangu.

31 Tarisai ichi ndichochido changu; kumbira uye uchagashira; asi vanhu ahavaite kuda kwangu nguva dzose.

32 Naizvozvo, kana musingagone kuwana mazana mashanu, shingirirai kutsvaka kuti pamwe mungawane mazana matatu.

33 Uye kana mukatadza kuwana mazana matatu, shingirirai kutsvaka kuti zvimwe muwane zana rimwechete.

34 Asi zvirokwazvo ndinoti kwamuri, ndinokupai murairo, kuti hamuzokwira kuenda kunyika yeZioni kudakara mawana zana revesimba remba yangu, kuti vaende nemi kunyika yeZioni.

35 Naizvozvo, sekutaura kwandaita kwamuri, kumbirai uye mugogashira; namatai zvikuru kuti zvimwe muranda wangu Joseph Smith, Mwana aende nemi, agotungamira ari pakati pevanhu vangu, uye agoronga umambo hwangu panzvimbo apakatsaurwa, uye vana veZioni pamutemo nemirairo iyo yakanga iripo ichapihwa kwamuri.

36 Kwose kukunda uye nokubwinya kunonzi kuitike kwamuri kuburikidza anokushingaira kwenyu, kutendeka, uye bneminamato yerutendo.

37 Regai muranda wangu Parley P. Pratt afambe nemuranda wangu Joseph Smith, Mwana.

38 Regai muranda wangu Lyman Wight afambe nemuranda wangu Sidney Rigdon.

39 Regai muranda wangu Hyrum Smith afambe nemuranda wangu Frederick G. Williams.

40 Regai muranda wangu Orson Hyde afambe nemuranda wangu Orson Pratt, kwose zvako kwavanenge varairwa nemuranda wangu Joseph Smith, Mwana, mukutsvaka kuwana kuzadzikiswa kwemirairo iyi yandapa kwamuri, uye regai vanosara vari mumaoko angu. Kunyangwe saizvozvo. Ameni.