Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 44


Chikamu 44

Zvakazarurwa zvakapihwa kuna Joseph Smith Muporofita naSidney Rigdon, paKirtland, Ohio, mukupera kwaKukadzi 1831 (History of the Church, 1:157). Mukuita chaidiwa chakatsanangurwa pano, Chechi rakasarudza kuti kuitwe muchechi mukuru mukutanga kwaChikumi waitevera.

1–3, Magosa anofanira kuungana mumusangano mukuru; 4–6, Vanofanira kuronga maererano nemitemo yenyika uye nokuchengeta varombo.

1 Tarisai, ndikokutaura kwaIshe kwamuri varanda vangu, zvakakodzera kwandiri kuti magosa echechi yangu anofanira kudaidzwa pamwechete, kubva kumabvazuva nekubva kumadokero, nekubva kuchamhembe, nekubva kumaodzanyemba, netsamba kana neimwe nzira.

2 Uye zvichaitika, kuti sekutendeka kwavachange vakaita, uye vachishandisa rutendo mandiri, ndichadurura aMweya wangu pavari muzuva iro ravachaungana pamwechete.

3 Uye zvichaitika kuti vachaenda kumatunhu mamwe akatenderedza, uye avachiparidza kutendeuka kuvanhu.

4 Uye vazhinji avachatendeutswa, zvekuti muchawana simba rekuzvirongera bmaererano nemitemo yevanhu;

5 Kuti avavengi venyu varege kuva nesimba pamusoro penyu; kuti muve munochengetedzwa muzvinhu zvose; kuti mugoneswe kuchengeta mitemo yangu; kuti zvose zvinosunga zvidamburwe izvo muvengi anotsvakisa kuparadza vanhu vangu.

6 Tarisai ndinoti kwamuri, munofanira kuti amushanyire varombo nevanoshaya uye nokushandira kuvasunungura, kuti vachengetwe kudakara zvinhu zvose zvaitwa maererano nemutemo wangu uyo wamakatambira. Ameni.