Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 128


Chikamu 128

Tsamba yakabva kuna Joseph Smith Muporofita weChechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira, iine mimwe mirairo pamusoro pekubhabhatidzwa kwevakafa, yakatsikiswa paNauvoo. Illinois, 6 Gunyana 1842 (History of the Church, 5:148–153).

1–5, Vanyori vepanzvimbo nevamwewo vanofanira kuratidza kuti zvechokwadi rubhabhatidzo rwevakafa rwaitwa; 6–9, Zvinyorwa zvacho zvinosungira uye zvinonyorwa pano pasi nekudenga; 10–14, Chidziva chinobhabhatidzirwa chinofananidzwa neguva; 15–17, Erija akadzorera simba rinechekuita nerubhabhatidzo rwevakafa; 18–21, ose makiyi, masimba nemvumo dzemikuwo yakapfuura zvakadzorerwa pakare; 22–25, Mazwi anofadza nokubwinya anotaurwa kune vapenyu nevakafa.

1 Sezvandakataura kwamuri mutsamba yangu ndisati ndabva panzvimbo pangu, kuti ndichakunyorerai nguva nenguva uye ndigokupai mashoko pamusoro penyaya dzakawanda, zvino ndave kusimudzira zvekare nyaya ayerubhabhatidzo rwevakafa, sezvo nyaya iyoyo iri inenge iyo yakabata pfungwa dzangu, uye zvichindishungurudza zvakasimbisisa, kubvira pakutandaniswa kwandakaitwa nevavengi vangu.

2 Ndakanyora mazwi mashomashoma ezvakazarurwa kwamuri ari pamusoro pemunyori. Ndave nezvimwe zvekupamhidzira pamusoro penyaya iyi, izvo zvandave kutsinhira. Uku ndiko kuti, zvakataurwa mutsamba yangu yekutanga kuti pakafanira kuve anemunyori, anofanira kunge akaona, uye nekunzwawo nenzeve dzake kuti agonyora zvechokwadi pamberi paIshe.

3 Zvino, maererano nenyaya iyi, zvakaoma chaizvo kuti munyori mumwechete avepo nguva dzose, uye nokuita rose basa. Kuti parege kuve nedambudziko iri, panogona kuve nemunyori anosarudzwa mugungano rega-rega reguta, anogona chaizvo kutora mazwi ari kutaurwa nemazvo; uye ave munhu anoda kuti zviitwe sezvazviri mukunyora zviri kuitwa zvose, achitsinhira chokwadi muzvinyorwa zvake kuti azviona nemaziso ake, uye akanzwa nenzeve dzake, achipa zuva, uye nemazita, nezvakadaro, uye nenhorondo, yezvaitika zvose; achitaurawo mazita evanhu vatatu varipo, kana paine varipo, vanogona kuti nguva ipi zvayo kana vakadaidzwa kuti vataure chokwadi chezvimwechetezvo, kuti mumiromo ayevapupuri vaviri kana vatatu rose izwi risimbiswe.

4 Zvino, ngakuve nemunyori wezvose, uyo anozopihwa zvimwe zvinyorwa izvi, zviri pamwechete nemagwaro avakanyora pachavo kuti zvinyorwa zvavaita ndezvechokwadi. Zvino munyori wezvose anoisa zvinyorwa izvi mubhuku rezvose rechechi, uye nemagwaro nezvose zvekupupura zvinodiwa, netsamba yake inoti zvirokwazvo anotenda kuti tsamba nezvinyorwa zviri pamusoro ndezvechokwadi, kubva muruzivo rwake rwetsika nekusarudzwa kwevarume ivavo nechechi. Uye kana izvi zvaitwa mubhuku rezvose zvechechi, zvinyorwa zvinozova zvitsvene, uye achadavira basa iroro zvimwechetezvo sekunge iye akazviona nemaziso ake uye akanzwa nenzeve dzake, uye akaita zvinyorwa mubhuku rezvose rechechi.

5 Mungafunga kuti tsika yezvinhu iyi yakaoma chaizvo; asi regai ndikutaururei kuti kupindura chido chaMwari, nokutevedzera chisungo nokugadzirira kwakaitwa nokugadzwa naIshe hwaro hwenyika husati hwavepo, kuti kuve aneruponeso rwevakafa avo vanofa vasina bruzivo rwevhangeri.

6 Uye zvakare, ndinoda kuti muyeuke kuti Johane Muzaruri akanga achifunga nyaya iyoyi pamusoro pevakafa, paakataura, sezvamunoona zvakanyora mune Zvakazarurwa 20:12Uye ndakaona vakafa, vadiki nevakuru, vamire pamberi paMwari; uye mabhuku akavhurwa; uye rimwe bhuku rikavhurwa, riri iro bhuku reupenyu; uye vakafa vakatongwa nezvinhu izvozvo zvakanga zvakanyorwa mumabhuku, maererano nemabasa avo.

7 Muchaona mumazwi aya kuti mabhuku akavhurwa; uye rimwe bhuku rakavhurwa, raive abhuku reupenyu; asi vakafa vakatongwa pamusoro pezvinhu zvakanga zvakanyorwa mumabhuku, maererano nemabasa avo; naizvozvo, mabhuku arikuturwa akafanira kuve mabhuku akange aine zvinyorwa zvemabasa avo, uye anotaura bzvezvinyorwa zvinochengetwa pano pasi. Uye bhuku rakange riri bhuku reupenyu ndizvo zvinyorwa zvinochengetwa kudenga; tsika yacho ichipindirana chaizvo nedzidziso iyo yamunotaurirwa imi mune zvakazarurwa zviri mutsamba yangu yandakanyora ndisati ndabva panzvimbo yangu—kuti zvinyorwa zvenyu zvose, zvinyorwe kudenga.

8 Zvino, nzira yechisungo ichi iri amusimba rehupirisita, kuburikidza nezvakazarurwa zvaJesu Kristu, izvo zvakabvumira kuti chose chipi zvacho bchamuchasunga panyika chichasungwa kudenga, uye chose chipi chamuchasunungura panyika chichasunungurwa kudenga. Kana nemamwe mazwi, tichitarisa nerumwe rutivi rwekududzira, chose chipi zvacho chamunonyora panyika chichinyorwa kudenga, uye chose chipi zvacho chamusinganyore panyika hachinyorwe kudenga; nokuti mune zvinobva mumabhuku vakafa venyu vachatongwa, maererano nemabasa avo pachavo, kunyange vari ivo pachavo vaita czvisungo ivo mbune, kana kuti vamiririrwa nevamiririri vavo pachavo, zviri maererano nechisungo icho Mwari vakagadzirira druponeso rwavo, kubvira nyika isati yavambwa, maererano nezvinyorwa izvo zvavakachengeta pamusoro pevakafa vavo.

9 Zvingaite kuna vamwe kunge dzidziso yakasimba kwazvo yatinotaura nezvayo—simba iro rinonyora kana kusunga panyika uye richisunga nekudenga. Zvisinei, mumazera ose epasi, kana Ishe vachinge vapa amukuwo wehupirisita kuna ani zvake kuburikidza nezvakazarurwa zvechokwadi, kana chikwata chipi zvacho chevanhu, simba irori rinogara richipihwa kwavari. Saka, kana chiri chipi zvacho chaiitwa nevanhu avo bmusimba, muzita raIshe, uye vachichiita nechokwadi nokutendeka, uye vaine zvinyorwa kwazvo uye zvinotendeka zvaibva zvave mutemo pasi nokudenga, uye hazvaizogona kushandurwa, maererano nezvisungo czvaJehova mukuru. Ichi chirevo chinotendeka. Ndiani angachinzwe?

10 Uye zvakare, kuratidza zvakafanana nezvizvi, Mateo 16:18, 19: Uye ndinotiwo kwauri, kuti iwe ndiwe Petro, uye padombo iri ndichavaka chechi rangu; uye masuwo egehena haana simba pamusoro paro. Uye ndichakupa makiyi eumambo hwekudenga; uye chose zvacho chauchasunga panyika chichasungwa kudenga; uye chose chauchasunungura panyika chichasunungurwa kudenga.

11 Zvino chikuru uye chinoshamisa chakavanzika chenyaya yose, uye nedonzo renyaya yose iri pamberi pedu, kuwana masimba eHupirisita Hutsvene. Kune uyo anopihwa amakiyi aya hakuna chakaoma mukuwana ruzivo rezvechokwadi maererano bneruponeso rwevana vevanhu, zvose kune vakafa nevapenyu.

12 Imomu ndimo amunekubwinya bnekukudzwa, uye cnokusafa neupenyu hwokusingaperi—Chisungo cherubhabhatidzo nemvura duchinyudzwa kuitira kuteedzera mufananidzo wevakafa, kuti mutemo uyu upindirane nemumwe: kunyudzwa mumvura uye nokuzobuda mumvura kunofanana nekumutswa kwevakafa mukuuya kwavo vachibuda mumarinda avo; saka chisungo ichi chakaitirwa kuti chive chiwirirano nechisungo cherubhabhatidzo rwevakafa zviri mumufananidzo nevakafa.

13 Zvakadaro, chidziva acherubhabhatidzo chakaiswa bsemufananidzo werinda, uye zvikarairwa kuti chive panzvimbo iri pazasi peapo vapenyu vanoda kuungana, kuratidza vapenyu nevakafa, uye kuti zvose zvinhu zvive nezvazvakafanana nazvo, uye kuti zvipindirane—kuti icho chemunyika chipindirane nechekudenga, sekutaura kwakaita Pauro, 1 vaKorinte 15:46, 47 na48:

14 Asi hachina kuve chekutanga icho chemweya, asi icho chenyama; uye chichiteerwa shure neicho chemweya. Munhu wekutanga ndewenyika, inyika; munhu wechipiri ndiIshe vanobva kudenga. Semamiriro ezvemunyika, ndizvozvakaita naivowo venyika; uye sezvakaita zvekudenga, ndozvakaita naivowo vekudenga. Uye sezvakaita zvinyorwa zviri panyika zviri maererano nevakafa venyu, izvo zvakaitwa muchokwadi, ndizvowo zvakaita zvinyorwa zviri kudenga. Izvi, nokudaro ndirosimba rekupedza anokusunga, uye neimwe dudziro yezwi, bmakiyi eumambo uhwo huri mukiyi cyeruzivo.

15 Uye zvino hama dzangu dzinodiwa, regai ndikuudzei kuti iyi mitemo iri maererano nevakafa nevapenyu haisi nyaya ingatorwa zvakarereka, zviri maererano neruponeso rwedu. Nokuti aruponeso rwavo rwunodiwa uye rwakakosha kuruponeso rwedu, sekutaura kwaPauro pamusoro pemadzibaba—kuti ivo pasina isu havangaitwe bvakakwana—kana nesu hatingave vakakwana pasina vakafa vedu.

16 Uye zvino, maererano nezverubhabhatidzo rwevakafa, ndinokupai zvimwe zvakazarurwa naPauro, 1 vaKorinte 15:29: Kana zvisinakudaro vachaitei avo vanobhabhatidzirwa vakafa, kana vakafa vasingazomuka zvachose? Ko zvino vanobhabhatidzirwei vakafa?

17 Uye zvakare maererano nemazwi aya, ndichakupai mamwe mazwi emumwe wemaporofita, uyo akange aine ziso rakananga rakatarisira akudzorerwa kwehupirisita, kubwinya kwazoratidzwa mumazuva ekupedzisira, netsika yakakosha nyaya iyi inemukurumbira kupfuura dzimwe dzose dzevhangeri risingaperi, iri nyaya yerubhabhatidzo rwevakafa; nokuti Maraki anoti, muchitsauko chekupedzisira, ndima yeshanu neyechitanhatu: Tarisai, ndichakutumirai bErija muporofita, zuva iro guru uye rinotyisa raIshe risati rauya: uye agotendeudzira mwoyo yemadzibaba kuvana, nemwoyo yevana kumadzibaba avo, potse, ndinouya ndikarova nyika nokutuka.

18 Ndaigona kunge ndakakududzira zviri apachena kupfuura izvi, asi izvi zviri pachena zvakakwanirana nezvandiri kuda sekumira kwazvakaita. Zvakakwana kuziva kuti, munyaya iyi, nyika icharohwa nokutukwa kunze kwekunge kune chimwe bchisungo chinonamatidza pakati pemadzibaba nevana, pane imwe nyaya kana zvimwewo—uye tarisai, ko nyaya yacho ndeipi? cKubhabhatidzwa kwevakafa. Nokuti isu kana pasina ivo, hatigone kuitwa vakakwana; kana ivowo, pasina isu, havagone kuitwa vakakwana. Kana ivo kana isu, hatigonewo kuitwa vakakwana pasina avo vakafira muvhangeri, nokuti zvinofanirwa mukuuya dkwemukuwo wekuzara kwenguva uri mukuwo wave kutanga kupinda zvino, kuti kubatana kwakakwana, uyezve kuzere, nokutsikisa kwemikuwo yose, nemakiyi, nemasimba, nokubwinya kunofanira kuchiitika, uye kugoratidzwa kubvira kumazuva aAdama kana kusvika panguva ino. Uye kwete izvozvi chete, asi izvo zvinhu zvisina kumboratidzwa kubvira ehwaro yenyika, asi zvakachengetwa zvakavigwa kune vakangwara nevakachenjera, zvicharatidzwa fkuvacheche nekune varikuyamwa, mukuwo uno wekuzara kwenguva.

19 Zvino, chii chatinonzwa muvhangeri ratakatambira? Izwi rekufara! Izwi retsitsi rinobva kudenga: nezwi arechokwadi rinobuda kubva pasi; mazwi akanaka evakafa; izwi rakanaka revapenyu nevakafa; bmazwi akanaka emufaro mukuru. Dzakanaka sei pamusoro pemakomo ctsoka dzeavo vanounza mazwi anofadza ezvinhu zvakanaka, uye vachiti kuZioni: Tarisai Mwari venyu vanotonga! dSedova reKarmeri, ndikokudzika kuchaita ruzivo rwaMwari pavari!

20 Uye zvakare, chii chatinonzwa? Akanaka kubva akuKumora! bMoronai ngirozi inobva kudenga, ichitaura kuzadzikiswa kwemaporofita—cbhuku richaratidzwa. Izwi raIshe musango dreFayette, muruwa rweSeneca, richitaura vapupuri vatatu evachataura nezve bhuku! Izwi fraMikaeri ari pamahombekombe eSusquehanna, akaziva dhiabhorosi paakazviratidza sengirozi gyechiedza! Izwi hraPetro, Jakobo, naJohane musango pakati peHarmony, ruwa rweSusquehanna, neColesville, neruwa rweBroome, parwizi rweSusquehanna, vachizvitaura pachavo kuti vane imakiyi eumambo, nemukuwo yekuzara kwenguva!

21 Uye zvakare, izwi raMwari mumba memuchembere aBaba Whitmer, muFayette, muruwa rweSeneca, uye nepane dzimwe nguva dzakasiyana-siyana uye nemunzvimbo dzakasiyana-siyana mukufamba kwose nematambudziko ose eChechi ino yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira! Uye nezwi raMikaeri, ngirozi huru; izwi braGabrieri cneraRaferi, uye dneengirozi dzakasiyana-siyana, kubvira kuna Mikaeri kana eAdama kusvika kunguva ino, vose vachitaura fmukuwo wavo, kodzero dzavo, makiyi avo, kukudzwa kwavo; umambo hwavo nokubwinya uye nesimba rehupirisita hwavo; vachipa gmutsetse nemutsetse mutemo pamusoro pemutemo, apa zvishoma, nepapo zvishoma; nokutipa runyararo nokutaura icho chichauya, nokusimbisa htarisiro yedu!

22 Hama, torega kuenderera here nebasa guru rakadai? Ngatiende mberi kwete shure. Shingai, hama; murambe makadaro kudakara mukukunda! Mwoyo yenyu ngaifare, uye mufarisise. Nyika ngaitange akuimba. Vakafa ngavataure nziyo dzekusingaperi dzekurumbidza kuna Mambo bImanueri, uyo akamisa nyika isati yavepo, icho chaizoti tikwanise ckuvanunura kubva dmutirongo ravo; nokuti vasungwa vachasunugurwa.

23 aMakomo ngaashevedzere nemufaro, uye imi nhika daidzirai zvinonzwikwa; uye mose imi makungwa nematunhu akaoma taurai zvishamiso zvaMambo venyu Vokusingaperi! Uye imi hova, netwurukorodzi, netumwe twukova twudiki, yererai norufaro. Masango ose uye nemiti yose yemumakura irumbidze Ishe; uye imi bmatombo akasimba chemai nemufaro! Uye regai zuva, nemwedzi nenyenyedzi cdzerungwanani zviimbe pamwechete, uye vose vana vaMwari ngavadaidzire nerufaro! Uye zvisikwa zvokusingaperi ngazvitaure zita rake narinhi narinhi! Uye zvakare ndinoti, rakanaka sei izwi ratinonzwa richibva kudenga, richitaura munzeve dzedu, kubwinya, neruponeso, nerukudzo, dnekusafa, uye neupenyu ehwokusingaperi; hudzimambo, nyika, uye nemasimba.

24 Tarisai, azuva guru raIshe rave pedyo; ndiani bangararame zuva rekuuya kwavo, uye ndiani angamire kana azviratidza? Nokuti akaita semoto cwemhizha, nesipo yomusuki; uye achagara dsemhizha nemuchenesi wesirivha uye achachenesa vanakomama evaRevi, uye achavachenesa segoridhe nesirivha, kuti vagopira kuna Ishe fmupiro muururami. Ngatipirei kuna Ishe, nokudaro sechechi uye sevanhu, uye saVatendi vaMazuva Ekupedzisira, mupiro wekururama; uye ngatipei kutemberi yavo tsvene kana yapera, bhuku rine gzvinyorwa zvevakafa vedu, iro richave rakakodzera kose kugashirwa.

25 Hama ndine zvinhu zvizhinji zvekutaura kwamuri pamusoro penyaya yacho; asi iye zvino ndombovhara kwenguva ino, uye ndigozoenda mberi nenyaya iyi pane imwe nguva. Ndini, senguva dzose, muranda wenyu akapfava, uye shamwari isingambofa yakashanduka,

Joseph Smith.