Zvibatsiro Zvekudzidza
Jehova


Jehova

Zita rechibvumirano kana zita chairo raMwari waIsraeri. Rinoreva “wokusingaperi Ndini Ini” (Eks. 3:14; Joh. 8:58). Jehova ndiJesu Kristu pasati pave nokufa uye akauya panyika semwanakomana waMaria (Mosaya 3:8; 15:1; 3 Ni. 15:1–5). Kazhinji kana izwi rinoti Ishe richionekwa muTestamente yaKare, rinoreva Jehova.

Jehova ndi Kristu

Jehova akanga achizikanwa kumaporofita vekare (Eks. 6:3; Abr. 1:16). Muapositori Pauro akadzidzisa kuti Kristu ndiJehova wemuTestamente yaKare (Eks. 17:6; Ⅰ VaKori. 10:1–4). Mukoma waJaredhi muBhuku raMormoni akaona Kristu kusati kwave nekufa akamunamata (Eta 3:13–15). Moronai aidaidzawo Kristu kuti Jehova (Moro. 10:34). KuTemberi ye Kirtland, Joseph Smith naOliver Cowdery vakaona Jehova akamuka kuvakafa (D&Z 110:3–4).