Zvibatsiro Zvekudzidza
Danieri


Danieri

Murehwi mukuru mubhuku raDanieri muTestamente yaKare; Muporofita waMwari uye murume werutendo rukuru.

Hapana chinozivikanwa nezvevabereki vake, kana dai zvazvo achiratidza sekunge chizvarwa chekuumambo (Dan. 1:3). Akatorwa akasungwa kuBabironi, uko kwaakasvikotambira zita rekuti Berteshazari (Dan. 1:6–7). Danieri nevamwe vasungwa vatatu vakaramba kudya kwamambo pamusana pechitendero chavo (Dan. 1:8–16).

Danieri akawana kudiwa naNebukadnezari naDariusi kuburikidza nesimba rake rekududzira hope (Dan. 2; 4). Akaverengawo uye akadudzira zvakanga zvakanyorwa pachidziro (Dan. 5). Vavengi vake vakarangana pamusoro, uye akakandwa mugomba reshumba, asi Ishe vakachengetedza upenyu hwake (Dan. 6).

Bhuku raDanieri

Bhuku iri rine zvikamu zviviri: zvitsauko 1–6 nyaya dzaDanieri nevamwe vake vatatu; zvitsauko 7–12 zviratidzo zvechiporofita zvakaonekwa naDanieri. Ibhuku rinodzidzisa kukosha kwekuve pachokwadi kuna Mwari uye richiratidza kuti Ishe vanoropafadza vane rutendo.

Chikuru chakapiwa nebhuku kududzirwa kwehope dzaMambo Nebukadnezari. Muhope idzi, umambo hwaMwari mumazuva ekupedzisira hunoratidzwa sedombo rakacherwa kubva mugomo. Dombo iri richakunguruka kudakara razadza pasi rose (Dan. 2; onawo D&Z 65:2).