Zvibatsiro Zvekudzidza
Akaberekwa


Akaberekwa

Kuberekwa. Kubereka kusununguka, kuzvarana, kana kudaidza kuti zvive. Mumagwaro matsvene, mazwi aya anogaroshandiswa kuti areve kuberekwa naMwari. Kana dai zvazvo Jesu Kristu ari iye chete akaberekwa naBaba munyama, vose vanhu vanogona kunge vakaberekwa mumweya naKristu pamusana pekumugashira, kuteerera mirairo yake, nekuve vanhu vatsva kuburikidza masimba eMweya Mutsva.