Zvibatsiro Zvekudzidza
Asa


Asa

MuTestamente yaKare, mambo wechitatu weJuda. Magwaro matsvene anoti “mwoyo wake wakanga wakakwana naIshe mazuva ake ose” (Ⅰ Madz. 15:14). Munguva yekutonga kwake akasimudzira kugona kurwa kwemawuto, akakanda kwakadaro joki rechiEtiopia, akabvisa mifananidzo yenhema, uyezve akakoka vanhu kuti vaite chibvumirano chekutsvaka Jehova (Ⅰ Madz. 15–16; Ⅱ Mak. 14–16). Zvakadaro, zvaakaita chirwere mutsoka dzake, haana kutsvaka ruyamuro rwaIshe uye akafa (Ⅰ Madz. 15:23–24; Ⅱ Mak. 16:12–13).