Zvibatsiro Zvekudzidza
Jona


Jona

Muporofita wemuTestamente yaKare uyo akadaidzwa naIshe kuti aparidze kutendeuka kuguta reNinive (Jona 1:1–2).

Bhuku raJona

Bhuku riri muTestamente yaKare iro rinotaura nezvakaonekwa muupenyu hwaJona. Zvimwe Jona haana kunyora bhuku iri pachake. Pfungwa huru mubhuku raJona ndeyekuti Jehova anotonga kwose uye haaise rudo rwake kurudzi rwumwechete kana vanhu.

Muchitsauko 1, Ishe vakadaidza Jona kuti aparidze kuNinive. Panzvimbo yekuti aite sezvakanga zvataurwa naIshe, Jona akatiza nengarava uye akamedzwa nezihove ziguru. Muchitsauko 2, Jona akanamata kuna Ishe, uye hove ikarutsira Jona kunze pavhu rakaoma. Chitsauko 3 inoti Jona akaenda kuNinive akanoporofita pamusoro pekuparara kwayo. Zvisinei vakatendeuka. Muchitsauko 4, Ishe vakatsiura Jona pamusana pekuti akashatirwa kuti Ishe vakaponesa vanhu.

Jesu akadzidzisa kuti kumedzwa kwa Jona nehove kwakayamura kufanoratidza kufa kwaJesu nekumuka kuvakafa (Mat. 12:39–40; 16:4; Ruka 11:29–30).