Maoko, Kugadzwa kwe Onawo Chipo cheMweya Mutsvene; Gadza; Kuropafadza Vanorwara; Kutsaura Chiito chekugadza maoko emumwe pamusoro pemunhu sechikamu chechisungo chehupirisita. Mabasa mazhinji ehupirisita anoitwa nekugadza maoko, sekugadza, kuropafadza, kushandira vanorwara, kusimbisa nhengo dzeChechi, nokupa Mweya Mutsvene. Mosesi akagadza maoko ake pamusoro paJoshua, sekutaura kwakanga kwaita Ishe, Num. 27:18, 22–23 (Deut. 34:9). Jesu akagadza maoko ake pavashoma vairwara, akavarapa, Marko 6:5 (Morm. 9:24). Vaapositori vakagadza maoko avo pavanomwe vaizovayamura, Mabasa 6:5–6. Mweya Mutsvene waipiwa nokuvagadza maoko, Mabasa 8:14–17. Ananiasi akagadza maoko ake pana Sauro uye akabva adzosera kuona kwake, Mabasa 9:12, 17–18. Pauro akagadza maoko ake paari akamurapa, Mabasa 28:8. Pauro akadzidzisa chidzidzo cherubhabhatidzo nokugadza maoko, VaH. 6:2. Aruma aigadza vapirisita nemagosa nokuisa maoko, Aru. 6:1. Jesu akapa vadzidzi vake simba rekupa Mweya Mutsvene nokugadza maoko, 3 Ni. 18:36–37. Pane uyo muchagadza maoko, muchamupa Mweya Mutsvene, Moro. 2:2. Magosa anofanirwa kugadza maoko avo pavana kuvaropafadza, D&Z 20:70. Vachagashira Mweya Mutsvene nokugadzwa maoko, D&Z 35:6 (Mis. yeCh. 1:4). Magosa achagadza maoko pavarwere, D&Z 42:44 (D&Z 66:9). Vana vanofanira kugashira kugadzwa maoko mushure merubhabhatidzo, D&Z 68:27. Hupirisita hwunogashirwa nokugadzwa maoko, D&Z 84:6–16.