Zvibatsiro Zvekudzidza
Mana


Mana

Chekudya chakatsetseka chine anenge mafufu chine kutapira kwemabumbe ehuchi (Eks. 16:14–31) kana kwemafuta matsva (Num. 11:8). Ishe vakachipa kuti vana veIsraeri vadye mumakore makumi mana avaive murenje (Eks. 16:4–5, 14–30, 35; Josh. 5:12; 1 Ni. 17:28).

Vana vaIsraeri vaiidaidza kuti mana (kana man-hu muchiHeberu)—zvaireva kuti “Chiiko?”—nokuti vakanga vasingazive kuti chaive chii (Eks. 16:15). Yaidaidzwawo kuti “kudya kwengirozi” kana “chingwa chinobva kudenga” (Mpi. 78:24–25; Joh. 6:31). Rwaive rupawo rwaKristu, aizove Chingwa cheUpenyu (Joh. 6:31–35).

Dhinda