Zvibatsiro Zvekudzidza
Isaya


Isaya

Muporofita wemuTestamente yaKare akaporofita kubvira 740–701 Kristu asati azvarwa Semukuru wevaipa mazano kuna Mambo Hezekia, Isaya akange achizivikanwa zvikuru mune zvekunamata nezvematongerwo enyika.

Jesu akatapa mazwi aIsaya kazhinji kupfuura vamwe maporofita. Isaya anotapwa zvizhinji naPetro, Johane naPauro muTestamente Itsva. Bhuku raMormoni neDzidzo neZvibvumirano zvine zvitapa zvakawanda kubva kuna Isaya kupfuura vamwe maporofita uye zvichipa ruyamuro rwukuru mukududzira Isaya. Nifai aidzidzisa vanhu kubva muzvinyorwa zvaIsaya (2 Ni. 12–24; Isa. 2–14). Ishe vakataurira maNifai kuti “mazwi aIsaya makuru” nezvinhu zvakaporofitwa naIsaya zvichazadzikiswa (3 Ni. 23:1–3).

Bhuku raIsaya

Bhuku riri muTestamente yaKare. Zvizhinji zvezviporofita zvaIsaya zvinotaura nezvekuuya kweMununuri mukuparidza kwake panyika (Isa. 9:6) uye saMambo Mukuru muzuva rekupedzisira (Isa. 63). Akaporofitawo zvizhinji neramangwana reIsraeri.

Chitsauko 1 chisumo kubhuku rose. Isa. 7:14; 9:6–7; 11:1–5; 53:1–12; ne61:1–3 zvinonongedzera kumharidzo yeMuponesi. Zvitsauko 2, 11, 12 ne35 zvinotaura nezve zviitiko zvemumazuva ekupedzisira, apo vhangeri richadzorerwa pakare, Israeri achaunganidzwa, uye nyika ine nyota ichavarura seruva. Chitsauko 29 chine chiporofita chezve kuuya kwe Bhuku raMormoni (2 Ni. 27). Zvitsauko 40–46 zvinotaura nezvekukosha kwaJehova saMwari vechokwadi pamusoro pezvimwari zvezvifananidzo zvinonamatwa nevahedheni. Zvitsauko zvasara, 47–66, zvinotaura nezvezviitiko zvekudzorerwa pakare kwevaIsraeri nokumiswa kweZioni, naIshe achigara pakati pevanhu vake.

Dhinda