Zvibatsiro Zvekudzidza
Gosa


Gosa

Shoko rinoti gosa rinoshandiswa munzira dzakasiyana-siyana muBhaibheri. MuTestamente yaKare kazhinji rinoreva vanhu vakuru murudzi, avo vakanga vachirongerwa nyaya dzehurumende (Gen. 50:7; Josh. 20:4; Rute 4:2; Mat. 15:2). Zera ravo neruzivo zvaiita kuti kuraira kwavo kuve kwakakosha. Nzvimbo yavo hazvireve kuti yaive yekunge vadaidzwa sevapirisita

Makange muinewo magosa akagadzwa muHupirisita hwaMerkizedeki munguva dzeTestamente yaKare (Eks. 24:9–11). MuTestamente Itsva, magosa vanotaurwa sechigaro chehupirisita muChechi (Jkb. 5:14–15). Pakati pemaNifai pakange painewo magosa vakagadzwa muhupirisita (Aru. 4:7, 16; Moro. 3:1). Mumukuvo uno, Joseph Smith naOliver Cowdery ndivo magosa ekutanga kugadzwa (D&Z 20:2–3).

Gosa zvino ndiro rave zita rinopiwa kune vose vane Hupirisita hwaMerkizedeki. Semufananidzo, vaparidzi vechirume vanodaidzwa kunzi magosa. Zvakarewo, Muapositori igosa, uye zvakakodzera kutaura nezvenhengo dzeChikwata chevaneGumi neVaviri kana Zvikwata zvevane Makumi Manomwe nemudaidziro uyu (D&Z 20:38; Ⅰ Pet. 5:1). Mabasa evakagadzwa hugosa muChechi nhasi akapiwa mumazuva ekupedzisira mune zvakazarurwa (D&Z 20:38–45; 42:44; 46:2; 107:12).