Zvibatsiro Zvekudzidza
Israeri


Israeri

Ishe vakapa zita rekuti Israeri kuna Jakobo, mwanakomana waIsaka uye muzukuru waAbrahama muTestamente yaKare (Gen. 32:28; 35:10). Zita rekuti Israeri rinogona kureva Jakobo pachake, zvizukuru zvake, kana kuumambo hwakanga huri hwezvizukuru izvi kare munguva dzeTestamente yaKare (Ⅱ Sam. 1:24; 23:3). Mushure mekunge Mosesi atungamirira vana vaIsraeri mukubuda muhusungwa hwema Egipita (Eks. 3–14), vakatongwa nevatongi kwemakore anopfuura mazana matatu. Kutanga naMambo Sauro, madzimambo akatonga Israeri yakabatana kudakara kufa kwaSoromoni, apo pakapanduka marudzi gumi kubva kuna Rehoboami kuti vaumbe rumwe rudzi. Mushure mekupatsanurana kweumambo hwe Israeri, marudzi ekuchamhembe, sezvo ari iwo akanga akawanda, akachengetedza zita rekuti Israeri, uhwo umambo hwekumaodzanyemba hukadaidzwa kuti Juda. Nyika yeKanani inodaidzwawo kuti Israeri nhasi uno. Mune imwe pfungwa, Israeri zvinoreva mutendi wechokwadi muna Kristu (VaR. 10:1; 11:7; VaG. 6:16; VaE. 2:12).

Marudzi gumi nemaviri eIsraeri

Muzukuru waAbrahama Jakobo, uyo anezita rakapindurwa kunzi Israeri, aive nevanakomana gumi nevaviri. Zvizukuru zvavo zvave kuzikanwa semarudzi gumi nemaviri eIsraeri kana kuti vana vaIsraeri. Aya ndiwo marudzi gumi nemaviri: Rubeni, Simeoni, Revi, Juda, Isakari, naZeburuni (vanakomana vaJakobo naRea); Dani naNaftari (vanakomana vaJakobo naBirha); Gadi naAsheri (vanakomana vaJakobo naZirpa); Josefa naBenjamini (vanakomana vaJakobo na Rakeri) (Gen. 29:32–30:24; 35:16–18).

Jakobo akapa mumwe nomumwe wevatungamiri vemarudzi maropafadzo asati afa (Gen. 49:1–28). Kuti muzive zvizhinji, tarisai zita remumwe nomumwe wevanakomana vaJakobo.

Rubeni, dangwe remukadzi wekutanga waJakobo, Rea, akarasikirwa nemaropafadzo ehudangwe pamusana pekusazvibata (Gen. 49:3–4). Hudangwe zvino hwakabva hwaenda kuna Josefa, uyo vakanga ari dangwe remukadzi wechipiri waJakobo, Rakeri (Ⅰ Mak. 5:1–2). Revi, uyo ane rudzi Ishe vakanga vasarudza kuti rwushande sevapirisita vavo, haana kugashira nhaka pamusana pekudaidzwa kwavo kuti vashume pakiti pemamwe marudzi ose. Izvi zvakabvumira kuti zvidimbu zviviri zvemugove waJosefa zvigovaniswe kuvanakomana vaJosefa, Efraimi naManase (Ⅰ Mak. 5:1; Jer. 31:9), avo vakaverengwa semarudzi ari pawo ega eIsraeri (DJS, Gen. 48:5–6).

Nhengo dzerudzi rwaJuda ndivo vaizove vatongi kudakara Mesia auya (Gen. 49:10; DJS, Gen. 50:24). Mumazuva ekupedzisira rudzi rwaEfraimi rwune rombo rekutakura mashoko ekudzorerwa pakare kwevhangeri kunyika nekuunganidzwa kweIsraeri yakapararira (Deut. 33:13–17). Nguva ichauya apo kuburikidza nevhangeri raJesu Kristu, Efraimi achave nechinzvimbo chekutungamira mukubatanidza ose marudzi aIsraeri (Isa. 11:12–13; D&Z 133:26–34).

Kupararira kwa Israeri

Ishe vakaparadzira nokurwadzisa marudzi aya gumi nemaviri eIsraeri pamusana pekusarurama kwavo nehupanduki. Zvakadaro, Ishe vakashandisawo kupararira uku kwevanhu vake vakasarudzwa mukati memarudzi enyika kuropafadza marudzi iwayo.

Kuunganidzwa kwa Israeri

Imba yaIsraeri ichaunganidzwa pamwechete mumazuva ekupedzisira Kristu asati auya (Mis. yeCh. 1:10). Ishe vanounganidza vanhu vake Israeri kana vamugamuchira nokuchengeta mirairo yake.

Marudzi gumi akarasika aIsraeri

Marudzi gumi aIsraeri ndiwo akanga akaumba umambo hwekuchamhembe kweIsraeri uye akatakurwa muhusungwa kuAsiria muna 721 Kristu asati azvarwa. Panguva iyo ya vakaenda “kunyika dzekuchamhembe” vakava vakarasika mukuziva kwevamwe. Mumazuva ekupedzisira vachadzoka.