Magwaro Matsvene
Jakobho 5


Chitsauko 5

Jakobho anotaura mazwi aZenosi akafanana nerungano rwemuti wemuorivi wekudyarwa nemuorivi wemusango—Vakafanana nemaIsraeri nemaJentairi—Kupararira kwaIsraeri nokuzounganidzwa kwake kunotariswa—MaNifai nemaRamani nemba yose yaIsraeri zvinotaurwa—MaJentairi vachabatanidzwa naIsraeri—Gare-gare munda wemizambiringa uchapiswa. Zvingangove makore 544 kusvika ku421 Kristu asati azvarwa.

1 Tarisai, hama dzangu, hamuchayeuka here kuti makamboverenga mazwi emuporofita aZenosi, aakataura kuvanhu vemba yaIsraeri, achiti:

2 Tererai, vemba yaIsraeri, uye munzwe mazwi angu, ini muporofita waIshe.

3 Nokuti tarisai, Ishe vanoti, Ndichakufananidzai, vemba ayaIsraeri, nemuti bwemuorivhi wekudyarwa nemunhu, wakasimwa ukadiridzwa nemunhu cmumunda wake wemizambiringa; wakakura, ukave hunde, uye ukatangisa dkuora.

4 Uye zvakaitika kuti tenzi wemunda wemizambiringa akaenda akaona kuti muti wake wemaorivhi wakatanga kuora, uye akati: Ndichaudimburira, uye ndoutimbira, ndoisa mupfudze, kuti zvimwe utungire mapazi matsva matete, kuti usafe.

5 Uye zvakaitika kuti akaudimurira, akautimbira, akauisa mupfudze sekutaura kwake.

6 Uye zvakaitika kuti mushure memazuva akati muti uye wakatanga kutungira zvishoma-shoma, mapazi matsva; asi tarisai, pamusoro pakatangisa kuora.

7 Uye zvakaitika kuti muridzi wemunda wemizambiringa akazviona, akati kumuranda wake: Zvinondisuwisa kuti ndirasikirwe nemuti uyu; nokudaro, enda unotora mapazi emuorivi awemusango, uuye nawo pano pandiri; uye tobvisa mapazi ayo ari kutanga kuoma, toakanda mumoto kuti atsve.

8 Uye tarisai, vanodaro Ishe vemunda wemizambiringa, ndinotora mapazi madiki aya, uye ndoasunganidza zvandinenge ndafunga; hazvinei kana dai zvikaitika kuti mudzi wemuti uyu ufe, ndingakwanise kuzvichengetera muchero wacho pachangu; nokudaro ndichatora mapazi matsva aya, ndoasunganidza zvandinoda.

9 Tora mapazi emuorivi wemusango, moapinzanisa, apabviswa mapazi paye; uye aya andabvisa ndichaakanda muchoto ndoapisa, kuti asakanganise munda wangu wemizambiringa.

10 Uye zvakaitika kuti muranda waIshe vemunda wemizambiringa akaita sekutaurirwa kwaakange aitwa naIshe vemunda wemizambiringa, ndokubva apinzanisa nemapazi emuorivi awemusango.

11 Uye Ishe vemunda wemizambiringa vakaita kuti munda utimbirwe, nekudimburirwa, nokuiswa mupfudze, vachiti kumuranda wavo: Zvinondisuwisa kuti ndirasikirwe nemuti uyu; nokudaro, ndati zvimwe ndingouponesa muti uyu midzi ikaramba iri minyoro kuti isafe, kuti ndizvichengetere, saka ndaita zvandaita izvi.

12 Nokudaro, endai kwamuri kuenda; tarisisai muti, mouisa mupfudze, muchitevedza mazwi angu.

13 Uye iyi andichaiisa mukati-kati memunda wangu wemizambiringa, pose pandinokwanisa, hazvinei kwamuri; uye ndinozviita izvi kuti tigochengetedza mapazi chaiwo emuti uyu; uye nokutiwo, ndichengetedze michero kuitira ramangwana; kwandiri, nokuti zvinondisuwisa kuti ndirasikirwe nemuti uyu nemichero yacho.

14 Uye zvakaitika kuti Ishe vemunda wemizambiringa akaenda, ndokuviga ose mapazi chaiwo emuti wemuorivhi mukati-kati memunda wemizambiringa, aya mune ino nzvimbo ayo mune iyo, sezvaainge ada sekumufadza kwazvaiita.

15 Uye zvakaitika kuti mushure menguva refu, Ishe wemunda wemizambiringa akati kumuranda wake: Uya, tiende kumunda wemizambiringa, tinoshandamo.

16 Uye zvakaitika kuti Ishe vemunda wemizambiringa, nemuranda wake, vakadzika mumunda wemizambiringa kundoshanda. Uye zvakaitika kuti muranda akati kuna tenzi wake: Tarisai, onai kuno; tarisai muti.

17 Uye zvakaitika kuti Ishe vemunda wemizambiringa akatarisa akaona muti uye wakange wapinzaniswa nemapazi emuorivhi wemusango; mapazi aya akanga abata akatungira akatanga kubereka amichero. Uye akaona kuti wakanaka; uye akaona kuti muchero wacho wakafanana nemuchero wepo chaiwo.

18 Uye akati kumuranda wake: Tarisai, mapazi emuti uyu atora unyoro hwemidzi yacho, uye midzi yacho ikaita kuti muti usimbe; nenzira yesimba remidzi mapazi agashira simba rekubereka michero. Zvino, dai takange tisina kupinzanisa mapazi aya, muti uyu ungadai wakafa. Uye zvino, tarisai, ndichachengetedza michero yakawanda kwazvo, iyo yaberekwa nemuti uyu; uye michero iyi ndichaichengetedza kuitira ramangwana, kuti ndigoidya ini.

19 Uye zvakaitika kuti Ishe vemunda wemizambiringa akati kumuranda: Uya tiende kuzasi-zasi kwemunda wemizambiringa, uye tarisai kana mapazi chaiwo emuti epo asina kuberekawo michero yakawanda, yekuti ndichengetedze kuitira mune ramangwana, ini pachangu.

20 Uye zvakaitika kuti vakaenda kwakange kwavigwa mapazi chaiwo emuti natenzi, uye akati kumuranda: Tarisai izvi; akatarisa awekutanga akaona kuti wakange wabereka zvikuru; uye akaonawo kuti wakanaka. Uye akati kumuranda: Tanha muchero, ugouchengetedza kuitira ramanangwana, kuti ndizvichengetedzere ini, nokuti tarisai, akadaro, ndakausakurira nguva huru yose iyi, nokudaro wabereka michero yakawanda.

21 Uye zvakaitika kuti muranda akati kuna tenzi vake: Ko makauya sei kuno kuzodyara muti uyu, kana kuti bazi remuti uyu? Nokuti tarisai, pauri muti uyu ndipo pakange painevhu rakaipisisa mumunda wenyu wose wemizambiringa.

22 Uye Ishe vemunda wemizambiringa vakati kwaari: Usandiraire; ndaizviziva kuti ndipo panevhu rakaipa; nokudaro, ndakati kwauri, ndakaurera kwenguva yose iyi, uye iwe ukaona kuti wabereka michero yakawanda kwazvo.

23 Uye zvakaitika kuti Ishe vemunda wemizambiringa vakati kumuranda wavo: Tarisai kuno; tarisa ndadyara rimwe bazi remuti zvakare; uye iwe unozviziva kuti pano pakanga pasina ivhu rakanaka serepakutanga. Asi, tarisai muti wacho. Ndakaurera kwenguva, uye zvino wakabereka michero yakawanda; saka, iunganidzei, moichengetedzera kuitira ramangwana, kuti ndigozvichengetedzerawo ini.

24 Uye zvakaitika kuti Ishe vemunda wemizambiringa vakati zvakare kumuranda wavo: Tarisai kuno, uye uone rimwe abaziwo, randakasima; tarisai kuti ndakarichengetedza ndikaripa zvose zvinodiwa, uye rikabereka michero.

25 Uye vakati kumuranda: Tarisai kuno uone rekupedzisira. Tarisai, iri ndakaridyara panevhu arakanaka; uye ndikarichengetedza kwenguva refu, asi mapazi mashoma-shoma ndiwo akabereka, uye bmamwe mapazi akabereka michero seye musango; tarisai, muti uyu ndakauchengetedza sezvandakaita mimwe yose.

26 Uye zvakaitika kuti Ishe vemunda wemizambiringa vakati kumuranda: Tema mapazi ose asina kubereka amichero yakanaka, woakanda mumoto.

27 Asi tarisai, muranda vakati kwavari: Ngatiudimurire, tigoutimbira, uye tigouisa mupfudze kwenguva yakati, kuti zvimwe ungakuberekerei michero yakanaka, kuti mugoichengetedza mune ramangwana.

28 Uye zvakaitika kuti Ishe vemunda wemizambiringa nemuranda waIshe vemunda wemizambiringa vakaisa mupfudze pamiti yose yemumunda wemizambiringa.

29 Uye zvakaitika kuti mushure menguva huru, Ishe vemunda wemizambiringa vakati akumuranda wavo: Uya, tidzike mumunda wemizambiringa, kuti tinoshanda zvakare mumunda wemizambiringa. Nokuti tarisai, bnguva iri kusvika, cnamagumo kwasvika; nokudaro, ndakafanira kuchengetedzera muchero kuitira ramangwana, ini pachangu.

30 Uye zvakaitika kuti Ishe vemunda wemizambiringa nemuranda vakaenda kumunda wemizambiringa; ndokusvika pamuti uya une mapazi awo chaiwo akapazurwa, uye ukagopinzaniswa nemapazi emuti wemusango; uye tarisai pasi pemuti pakange pazere michero ayakasiyana-siyana.

31 Uye zvakaitika kuti Ishe vemunda wemizambiringa vakaraira muchero, yose nemarudzi ayo. Uye Ishe vemunda wemizambiringa vakati: Tarisai, kwenguva huru tange tichichengetedza muti uyu, uye ndakapfimbika michero mizhinji kwazvo.

32 Asi tarisai, nguva ino wakabereka michero yakawanda, uye yose ahapana yakanaka. Uye tarisai, kune marudzi akawanda emichero yakaipa; uye hapana zvazvinondipa, kana dai takashanda zvikuru; uye zvino zvinondisuwisa kwazvo kuti ndirasikirwe nemuti uyu.

33 Uye Ishe vemunda wemizambiringa vakati kumuranda: Muti uyu touita sei, kuti undipe zvakare michero yekupfimbika?

34 Uye muranda akati kuna tenzi vake: Tarisai, nenzira yekuchekera mapazi emizambiringa wemusango apa kudya kumidzi, saka mipenyu uye haina kufa; nokudaro munoona kuti yakanaka.

35 Uye zvakaitika kuti Ishe vemunda wemizambiringa vakati kumuranda wavo: Muti uyu hauna chaunondipa, uye kana midzi yacho haina chainondiyamura kana ichiita kuti muti uite michero yakaipa.

36 Zvisinei, ndinoziva kuti midzi yakanaka, uye nokudaro ndaichengetedza kuti ndigozoishandisa ini; uye nenzira yesimba riri mairi yakabereka michero yakanaka, kubva kumapazi emiti yemusango.

37 Asi tarisai, mapazi emusango aya akura aakakunda midzi; uye nenzira yekuti mapazi emusango akunda midzi abereka michero yakaipa yakawanda; uye nenzira yekuti yabereka michero yakawanda yakaipa saka uchiona wave kutangisa kufa; uye uchatanga kuibva, kuti ukandwe mumoto, kunze kwekunge tatowana zvinoita kuti uchengeteke.

38 Uye zvakaitika kuti Ishe vemunda wemizambiringa vakati kumuranda wavo: Handei kuzasi-zasi kwemunda wemizambiringa, uye tinotarisa kuti mapazi awochaiwo aita michero yakaipawo here.

39 Uye zvakaitika kuti vakaenda mukati-kati memunda wemizambiringa. Uye zvakaitika kuti vakaona kuti michero yemiti yepo chaiyo yakanga yaora naiyowo; hongu, awekutanga, wechipiri, newekugumisira; yose yakange yakaora.

40 Uye muchero awemusango wewekupedzisira wakange wakurira rutivi rwuya rwemuti rwaiunza michero yakanaka, zvekuti bazi rakanga raoma rikafa.

41 Uye zvakaitika kuti Ishe vemunda wemizambiringa akachema, vakati kumuranda. aChii zvakare chandingadai ndakaita mumunda wangu wemizambiringa?

42 Tarisai, ndakaziva kuti yose michero yemumunda wemizambiringa, kunze kweuno chete, yakange yaora. Uye zvino, kana iyiwo yaichimbobereka michero yakanaka zvino naiyowo yave kuora; uye zvino yose miti iri mumunda wangu wemizambiringa haina basa kunze kwekuti itemwe ikandwe mumoto.

43 Uye tarisai uyu wekupedzisira, une bazi rakasvava, ndakausima panevhu arakanaka; hongu, pane nzvimbo yandaida kwazvo yakanaka kupfuura dzose dzimwe nzvimbo dzemunda wangu wemizambiringa.

44 Uye unoonawo kuti kana zvimwe zvaida akukanganisa nzvimbo ino ndakazvitema, kuti ndidyare muti uyu munzvimbo iyoyo.

45 Uye ukaonawo kuti rumwe rutivi rwakaburitsa michero yakanaka, uye rimwe divi rikaunza michero yemusango, uye nokuti handina kubvisa mapazi nokuakanda muchoto, tarisai, akurira mapazi akanaka zvekuti atooma.

46 Uye zvino tarisai, kana zvakadaro kuchengetedza kwose kwatakaita munda wangu wemizambiringa, miti yacho yaora, zvinoita kuti isabereke michero yakanaka; uye iyoyi ndakange ndavimba kuichengetedza, kuti ichabereka ikaita michero, yandaizochengetedza. Asi, tarisai, yaita semiti yemuorivi yemusango, uye haina zvainoyamura kunze akwekutemwa uye yokandwa mumoto; uye zvinondisuwisa kuti ndirasikirwe nayo.

47 Asi chii chandinga dai ndakaitazve mumunda wangu wemizambiringa? Ndakaregerera here ruoko rwangu, ndisingawuise mupfudze here? Kwete, ndakanga ndichiisa mupfudze, uye ndikawutimbira, uye ndikaikwanhurira, uye ndikaisa mupfudze; uye andikatambanudza ruoko rwangu muswere wose, uye bmagumo ari kuswedera pedyo. Uye zvinondisuwisa kuti nditeme miti yose yemumunda wangu wemizambiringa, uye ndigoikanda mumoto kuti itsve. Ko ndianiko apinza honye mumunda wangu wemizambiringa?

48 Uye zvakaitika kuti muranda akati kuna tenzi vake: Hakuzi kukura kwemunda wenyu wemizambiringa here—haazi mapazi akakurira midzi yakanaka? Uye nenzira yokuti mapazi akakurira midzi, tarisai akakura kupfuura simba remidzi, ndokutora simba rose iwo. Tarisai, ndinoti, hachizicho chikonzero here chaiita kuti miti yose yemunda wenyu wemizambiringa iore?

49 Uye zvakaitika kuti Ishe vemunda wemizambiringa vakati kumuranda: Handei tinotema miti iri mumunda wemizambiringa tigoikanda mumoto, kuti isaipise munda wangu wemizambiringa, nokuti handina chandisina kuita. Chimwe chii chandaifanira kuitira munda wangu wemizambiringa?

50 Asi tarisai, muranda akadaro kuna Ishe vemunda wemizambiringa: Dai mamboirega kwechinguva achakati.

51 Uye Ishe akati: Hongu, ndichairega kwechinguva, nokuti zvinondisuwisa kuti ndirasikirwe nemiti yemumunda wangu wemizambiringa.

52 Nokudaro, ngatitorei amapazi emiti iyo yandakasima kuzasi-zasi kwemunda wemizambiringa, uye toipinzanisa nemapazi emuti watakaatora; uye pamuti uyu totanha michero inonyanya kuvava, topinzanisa pamuti nemapazi emuti wepo chaiwo.

53 Uye izvi ndinozviita kuti muti usafe, kuti, zvimwe, ndingaponese midzi yacho kuti ndigoishandisa zvandinoda.

54 Uye tarisai, midzi yemapazi epo chaiwo andakasima pose-pose pandaikwanisa ichiri mipenyu; nokudaro, kuti ndichengetedze kuti igozondishandira, ndichatora mapazi emuti uno, uye andoapinzanisa nawo. Hongu, ndichaapinzanisa nemapazi ezimai rawo, kuti ndichengetedze midzi igondiitira basa, kuti zvimwe kana yanyatsobata ingazondiberekera michero yakanaka, uye zvimwe ndingazofadzwa nemichero yemunda wangu wemizambiringa.

55 Uye zvakaitika kuti vakatora kubva pamuti chaiwo, ndokupinzanisa nemiti yepo chaiyo, yakange naiyowo yapanduka.

56 Uye vakatorawo miti yepo chaiyo yakange yapanduka, vakaipinzanisa nezimai racho.

57 Uye Ishe vemunda wemizambiringa vakati kumuranda: Usabvise mapazi emusango pamiti, kunze kwekunge ari anoita michero inovava zvakanyanya; uye mairi muchaipinzanisa maererano nezvandakataura.

58 Uye tichapa kudya zvakare miti yemumunda wemizambiringa, uye tichakwanhurira mapazi acho; uye tichakwanhura kubva pamiti ayo mapazi aibva, akafanira kufa, uye toakanda mumoto.

59 Uye izvi ndinozviita kuti, zvimwe, midzi yacho ingawane simba nenzira yekunaka kwayo; nenzira yekupindurwa kwemapazi, kuti zvakanaka zvikunde zvakaipa.

60 Uye nekuda kwekuti ndachengetedza mapazi epo chaiwo nemidzi yacho, uye ndikaapinzanisa mapazi epo chaiwo zvakare kuzimai racho, uye ndikachengetedza midzi yezimai rawo, kuti, zvimwe, miti yemumunda wangu wemizambiringa ingabereke zvakare amichero yakanaka; nokuti ndifare zvakare nemichero yemumunda wangu wemizambiringa uye, zvimwe, ndingazofara chaizvo kuti ndakachengetedza midzi nemapazi emichero yekutanga—

61 Nokudaro, enda, udaidze avaranda, kuti btishande nesimba mumunda wemizambiringa, kuti tigadzire nzira, yekuti tiunze zvekare muchero wepo chaiwo, muchero wepo chaiwo wakanaka uye uri unokosha kupfuura mimwe michero yose.

62 Nokudaro, handei tinoshanda nesimba redu rose kekupedzisira, nokuti tarisai nguva yave kusvika, uye ino inguva yekupedzisira yekuti ndikwanhurire munda wangu wemizambiringa.

63 Pinzanisai mapazi; tangai kune aekupedzisira kuti agove ekutanga, nokutiwo ekutanga agove ekupedzisira, uye mugotimbira miti, mikuru nemidiki, yekutanga neye kupedzisira; yekupedzisira neyekutanga, kuti yose igopiwa kudya zvakare kwenguva yekupedzisira.

64 Nokudaro, itimbirei, uye moikwanhurira, uye moiisa mupfudze zvakare, kekupedzisira, nokuti magumo ave kusebera pedyo. Uye zvikaitika kuti iyi miti yapinzaniswa kekupedzisira ikure, uye igobereka michero chaiyo yepo, zvino muchagadzira nzira yayo, yekuti ikure.

65 Uye kana otanga kukura munenge muchibvisa nhungirwa dzose dzinoita kuti muchero uvave, maererano nesimba reakanaka nekukura kwawo; uye iwo akaipa acho ahamuabvise ose nguva imwechete, nokuti mumwe musi midzi ingakurire mapazi apinzaniswa, uye mapazi acho angafe, uye ndikarasikirwa nemiti yemumunda wangu wemizambiringa.

66 Nokuti zvinondisuwisa kuti ndirasikirwe nemiti yemumunda wangu wemizambiringa; nokudaro muchabvisa yakaipa maererano nokukura kunenge kuchiita yakanaka, kuti midzi nemuti zvive nesimba rakafanana, kudakara yakanaka yakunda yakaipa, uye yakaipa yatemwa yakandwa mumoto, kuti isaipise ivhu remunda wangu wemizambiringa; uye ndobva ndatsvaira miti yakaipa mubindu rangu reminzabviringa.

67 Uye mapazi emuti chaiwo wepo ndichaapinzanisa zvakare nemuti wepo chaiwo;

68 Uye mapazi emuti chaiwo wepo ndichaapinzanisa nemapazi epo; uye ndokuapinzanisa pamwechete kwandichaita zvakare, kuti igobereka michero chaiyo yepo, uye ichave chinhu chimwechete.

69 Uye yakaipa aicharaswa, hongu, kana kutoibvisa mumunda wangu wemizambiringa chose; nokuti tarisai, ndichadimurira munda wangu wemizambiringa kamwechete kano chete.

70 Uye zvakaitika kuti Ishe vemunda wemizambiringa vakatuma amuranda wavo; uye muranda akaenda akaita zvaakanga audzwa naIshe vake, uye ndokuunza vamwe varanda; vakange vari bvashoma.

71 Uye Ishe vemunda wemizambiringa vakati kwavari: Endai, amunoshanda mumunda wemizambiringa, nesimba renyu. Nokuti tarisai, ndiyo nguva byekupedzisira yandichapa kudya munda wangu wemizambiringa; nokuti magumo ave pedyo, uye mwaka uri kusvika; uye mukashanda nesimba renyu neni cmuchafadzwa nemuchero yandichazvichengetedzera munguva iri pedyo kuuya.

72 Uye zvakaitika kuti varanda vakaenda vakanoshanda nesimba ravo; uye Ishe vemunda wemizambiringa naivowo vakashanda navo; uye vakateerera mirairo yaIshe vemunda wemizambiringa mune zvinhu zvose.

73 Uye mumunda wemizambiringa makatanga kuita michero yemo chaiyo zvakare; uye mapazi epo chaiwo akatanga kukura zvakanaka chaizvo; uye nhungirwa dzakatanga kubviswa uye dzikaraswa; uye vakachengetedza midzi nemuti zvakafanana, mukusimba kwazvo.

74 Uye ndiko kushanda kwavakaita, nesimba ravo rose, sekutaura kwakange kwaita Ishe vemunda wemizambiringa, kusvika yose yakaipa yaraswa kunze kwemunda wemizambiringa, uye Ishe vazvichengetera muchero wepo, zvekuti miti iyi yakange yave michero yacho chaiwo zvekare; uye zvikave sechinhu achimwechete; uye michero yakanga yakaenzana; uye Ishe vemunda wemizambiringa, vakanga vazvichengetera muchero chaiwo, uyo wakange wakakosha chaizvo kwavari kubvira pakutanga.

75 Uye zvakaitika kuti Ishe wemunda wemizambiringa pavakaona kuti michero yavo yakange yakanaka, nokutiwo munda wavo wemizambiringa wakanga usisina miti yakaora, vakadaidza varanda vavo, vakati kwavari: Tarisai, kwenguva yekupedzisira tadiridza munda wangu wemizambiringa uno; uye maona kuti ndaita sekuda kwangu; uye ndikachengetedza muchero wepo chaiwo, uri wakanaka, sezvawakanga wakaita pakutanga. Uye imi amakaropafadzwa; nokuti mange muchishanda neni zvine simba mumunda wangu wemizambiringa, uye muchichengeta mirairo yangu, uye makauya kwandiri nemuchero bwepo chaiwo zvakare, munda wangu wemizambiringa hausisina miti yakaora, uye yakaipa yakakandwa kunze, tarisai muchawana mufaro neni nenzira yemuchero wemunda wangu wemizambiringa.

76 Nokuti tarisai, kwenguva arefu ndichachengetedza muchero wemumunda wangu wemizambiringa kuitira ramangwana, uyo iri kusvika nokukurumidza; uye ndakadiridza munda wangu wemizambiringa kwenguva yekupedzisira, nekuidimburira, nokuiisa mupfudze, nokuitimbira-timbira; nokudaro ndichazvichengetedzera muchero wangu, kwenguva refu, maererano nezvandakataura.

77 Uye kana nguva yasvika yekuti michero yakaipa yave zvakare mumunda wangu wemizambiringa, ipapo ndinobva ndati michero yakanaka nemichero yakaipa itanhwe; uye yakanaka ndinoichengetedza, uye yakaipa ndinoirasawo payo yega. Ipapo pobva pasvika amwaka namagumo; uye ndinobva ndaita kuti munda wangu wemizambiringa bupiswe nemoto.