Magwaro Matsvene
Jaromu 1


Bhuku raJaromu

Chitsauko 1

MaNifai anochengetedza mutemo waMosesi, vanotarisira kuuya kwaKristu, uye vanobudirira munyika—Maporofita vazhinji vanoshanda zvakasimba kuchengetedza vanhu vari munzira yechokwadi. Zvingangove makore 399 kusvika ku361 Kristu asati azvarwa.

1 Zvino tarisai, ini Jaromu, ndinonyora mazwi mashoma maererano nokurairwa kwandakaitwa nababa vangu, Enosi, kuti nhorohondo ayekuzvarwa kwedu ichengetedzwe.

2 Uye sezvo mahwendefa aaya ari bmadiki, uye sezvo zvinhu izvi zviri ckunyorwa kuti zvakanangana nokuti hama dzedu dmaRamani dzibatsirike, nokudaro, zvakafanira kuti ndinyore zvishoma; asi handizonyora zvinhu zvekuporofita kwangu, kana zvekuzururirwa kwangu. Nokuti chandichanyora chii chingapfuure zvakanyorwa nemadzibaba angu? Nokuti havana kuburitsa pachena here hurongwa hweruponeso? Ndinoti kwamuri, Hongu; izvozvo zvakandikwanira.

3 Tarisai, zvakafanira kuti kushandwe zvikuru mukati mevanhu ava, nenzira yeukukutu hwemwoyo yavo, nekusanzwa kwenzeve dzavo, neupofu hwepfungwa dzavo, anekuoma kwemitsipa yavo; zvisinei, Mwari vanovanzwira tsitsi zvikuru kwazvo uye havasati bvavatsvaira kubva pamusoro penyika.

4 Uye kune vazhinji mukati medu avakazururirwa zvizhinji, nokuti havasi vose vane mitsipa yakaoma. Uye vose avo vasina kuomesa mitsipa vaine rutendo, vane bkuwadzana neMweya Mutsvene, unozviratidza kuvana vevanhu, maererano nerutendo rwavo.

5 Uye zvino, tarisai, kwakange kwapfuura mazana maviri emakore, uye vanhu vekwaNifai vakange vawanda vakasimba munyika umu. Vakanga vachicherechedza anekuchengetedza mutemo waMosesi nezuva bresabata vairiita dzvene kuna Ishe. Uye vakange cvasingashore; kana kutaura zvakaipa dzvekunyomba. Uye mirau yenyika yakange yakaoma zvikuru.

6 Uye vakange vakati tekeshe nenyika yose, nemaRamaniwo zvakare. Uye vakanga vakawandisa kupfuura maNifai; uye vaifarira akuponda uye vachinwa ropa remhuka.

7 Uye zvakaitika kuti vakauya kazhinji kuzotirwisa, isu maNifai. Asi amadzimambo edu nevatungamiri vedu vaive varume vaive nerutendo rwukuru munaIshe; uye vakadzidzisa vanhu nzira dzaIshe; nokudaro, takamisidzana namaRamani uye tikavatsvaira tikavatandanisa munyika bmedu, tikatanga kuvakirira nekukomberedza maguta edu, kana nenzvimbo dzose dzenhaka yedu.

8 Uye takaberekana zvikuru, tikapararira pauso hwenyika yose, uye tikapfuma zvikuru neghoride, nesirivha, nemuzvinhu zvinokosha, nemukuveza zvinhu zvemiti zvinoyevedza, mukuvaka, nemukugadzira michini, nemusimbi nemhangura, ndarira nesimbi tichiita zvinhu zvakasiyana-siyana zvekurimisa, anezvombo zvehondo—hongu, miseve ine misoro inopinza, nenhava, nemutsunda, nepfumo, nezvose zvekugadzirira hondo.

9 Sokugadzirira kwatakange takaita maRamani, havana kukwanisa kutikurira. Asi shoko raIshe rakatsinhirwa, iro ravakataura kumadzibaba edu, vachiti: Kana muchichengetedza mirairo yangu muchave nokubudirira munyika.

10 Uye zvakaitika kuti vaporofita vaIshe vakavhundutsira vanhu vekwaNifai, maererano neshoko raMwari, kuti kana vakasachengeta mirairo, asi vagowira mukutadza, avachaparadzwa vagoshaikwa pamusoro penyika.

11 Nokudaro, vaporofita, nevafundisi, nevadzidzisi, vakashanda nesimba, vachikurudzira nomwoyo murefu wose kuti vanhu vabate nesimba; vachidzidzisa amutemo waMosesi, nezvawakaisirwa; nokuvanyengetedza kuti bvatarisire Mesia, nokutenda maari kuti achauya csokunge akatouya kare. Uye ndiyo tsika yavakavadzidzisa nayo.

12 Uye zvakaitika kuti nokuvadzidzisa kudai vakaita kuti avasaparadzwe nokubviswa pamusoro penyika; nokuti bvakavabaya pamwoyo neshoko, ndokuramba vachimutsa kuti vasvike mukutendeuka.

13 Uye zvakaitika kuti kwakange kwapera mazana maviri emakore ane makumi matatu ane makore masere—mushure metsika yehondo, nokukakavadzana, nokupararana, kwenguva huru chaizvo.

14 Uye ini, Jaromu, handinyore zvakanyanya, nokuti mahwendefa madiki. Asi tarisai, hama dzangu, munogona kuenda kumahwendefa amamwe aNifai; nokuti tarisai, paari ndipo pakanyorwa zvehondo dzedu, maererano nokunyora kwemadzimambo, kana avo vainzi vanyore.

15 Uye ndinoisa mahwendefa aya mumaoko emwanakomana wangu Omuni, kuti achengetedzwe maererano anemirairo yemadzibaba angu.