Zvibatsiro Zvekudzidza
Zvakazarurwa


Zvakazarurwa

Kutaura kunobva kunaMwari zvichienda kuvana vavo pano pasi. Zvakazarurwa zvingangouya nemuChiedza chaKristu neMweya Mutsvene nenzira yekufemerwa, zviratidzo, chiroto, kana kushanyirwa nengirozi. Zvakazarurwa zvinopa gwara iro rinotungamira vane rutendo kuruponeso rwokusingaperi muumambo hweseresitiyaro.

Ishe vanoratidza basa ravo kuvaporofita vavo votsinhira kuvadairi kuti zvinozarurirwa kuvaporofita ndezvechokwadi (Amosi 3:7). Kuburikidza nezvakazarurwa Ishe vanopa kutungamira kwemunhu wose uyo anokutsvaka aine rutendo, otendeuka, achiteerera kuvhangeri raJesu Kristu. “Mweya Mutsvene muzaruri,” akadaro Joseph Smith, zve “hakuna munhu angagashire Mweya Mutsvene asingagashire zvakazarurwa.”

MuChechi yaIshe, Hutungamiri hweKutanga neChikwata cheVaapositori vaneGumi neVaviri maporofita, vaoni, nevazaruri kuChechi nokunyika. Mutungamiri weChechi ndiye chete Ishe wavakabvumira kugashirira zvakazarurwa zveChechi (D&Z 28:2–7). Wose munhu anogona kugashira zvake zvakazururwa zvinomuyamura iye.